Accessibility links

Breaking News

Kutarirwa Huwandu hweZvinhu Zvekutenga Muzvitoro Kworwadza Vakawanda


Vamwe vatengi vanoti havasi kufara nekutarirwa huwandu hwezvinhu zvekutenga nevezvitoro panguva iyo zvinhu zvakawanda zviri kunetsa kuwana muzvitoro.

Vamwe vatengi muguta reHarare vanoti danho ratorwa nezvitoro zvizhinji rekuvatarira huwandu hwezvinhu zvavanenge vachida kutenga harisi kuvafadza.

Mumwe wevatengi vataura neStudio 7, VaPardon Chikerema, vati mhuri yavo yakakura zvekuti kutarirwa huwandu hwezvinhu zvavanenge vachida kutenga kwakangofanana nekunzi vasatenge zvinhu izvi.

VaChikerema vati vezvitoro zvizhinji muHarare vave kuti munhu atenge chinhu chimwechete kana zviviri pamunhu ega-ega.

Mumwe mutengi, VaLast Jemisti, vanoti zvimwe zvinhu zvavari kutarirwa huwandu zvinhu zvisina musoro zvakaita sedoro.

Vezvitoro vatataura navo vakaita saVaPatrick Dzimiri vati vari kutara huwandu hwezvinhu zvinofanirwa kutengwa nevatengi kuitira kuti zvinhu izvi zvikwane vanhu vakawanda.

Zvichakadai, vamwe vatengi vanoti vave kutoponera kunyika dzakakomberedza Zimbabwe dzakaita seMozambique, Zambia neSouth Africa sezvo chikafu nezvimwe zvinhu zvavanoda zuva nezuva zvisiri kuwanikwa nyore muzvitoro.

Mumwe wevanhu ava, Amai Constance Muzanenhamo, vanoti zviri kuvadhurira kunotenga zvinhu kunze kwenyika sezvo vachiti vari kutotenga mari yekunze pamusika mutema kuti vanotenga chikafu mhiri kwenyika.

Mumwe mugari wemuDamafalls, VaLeslie Chimonya, vati zvave kutoda kuti Mwari apindire kuti zvinhu zvinake munyika.

Asi vamwe vezvitoro vanoti kushayikwa kwezvinhu muzvitoro zvavo kuri kukonzerwa nekushayikwa kwemari yekunze yekuti vanohodhesa zvave kupa kuti vakwidze mitengo yezvinhu kuti vagokwanisa kutenga mari yekunze iyi pamusika mutema.

Asi hurumende inoti kushayikwa kwezvinhu uku muzvitoro kuri kukonzerwa neveruzhinji vari kutenga zvinhu nehuwandu vachityira kuti vanozozvishaya.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti kudhura pamwe nekushayikwa kuri kuitwa zvinhu muzvitoro kuri kukonzerwa nekushayikwa kuri kuitwa mafuta edzimotokati munyika.

Zvichakadaro, sangano reConfederation of Zimbabwe Industries rakaburitsa mashoko kuvatori venhau nezuro richiti rine tarisiro yekuti zvinhu zvichanaka chero zvazvo zvinhu zvakaoma munyaya dzezvehupfumi.

Sangano iri rakati hurumende ine hurongwa hwakati tsvikiti hwekugadzirisa hupfumi hwenyika asi rikakurudzirawo hurumende kuti isarambe ichitora zvikwereti.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG