Accessibility links

Breaking News

Gurukota reMari neHupfumi Rinoparura Hurongwa Hunovandudza Hupfumi?


Mthuli Ncube, Zimbabwe’s new finance minister, talking to reporters after taking oath of office in Harare, Sept. 10, 2018.
Mthuli Ncube, Zimbabwe’s new finance minister, talking to reporters after taking oath of office in Harare, Sept. 10, 2018.

Bazi rezvemari raparura hwaro huchatevedzwa nenyika kwemakore maviri ari kutevera senzira yekuvandudza hupfumi hwenyika.

Vachiparura hurongwa uhwu muHarare, gurukota rezvemari, Va Mthuli Ncube, vati hurongwa uhwu, uhwo hwavari kudaidza kuti transitional stabilzation program, hwakanangana nekusimudzira hupfumi hwenyika kubva pari zvino kusvika muna zvita 2020.

Izvi zvichaitwa kubudikidza nekusimbaradza nyaya dzekurima, kucherwa kwezvicherwa, kusimbisa nyaya yekutengesera dzimwe nyika, kudzikisa mari inoshandiswa nevari muhurumende, kugadzirisa migwagwa, madhamu nezvimwe zvivakwa zvehurumende pamwe nekuona kuti makanzuru aita zvose zvaanosungirwa kuita kuitira kuti veruzhinji vawane hugaro hwakanaka.

VaNcube vati hurumende ichasimbaradzawo nyaya yekucherechedzwa kwekodzero dzeveruzhinji pamwe nekuona kuti munyika magara muine runyararo kuitira kuti Zimbabwe ikwanise kukwezva vemabhizimusi ekunze vanoda kuzosima mari muno.

Vatiwo zvakakosha kuti vemabhizimusi emuno vasimewo mari yavo munyika senzira yekukwezvawo vekunze uye kuti nyika yashanda zvakasimba kubhadhara zvikwereti zvayo kumasangano anokweretesa mari akaita se world bank ne internationational monetary fund nemamwe.

VaNcube vaenderera mberi vachiti hupfumi hwenyika hwakatarisirwa kukura nezvikamu zvina kubva muzana mumakore mana kubva gore rinouya, huchizokura nezvikamu zvinomwe kubva muzana mamakore anenge achitevera maererano nehurongwa hwehurumende hwekuti munhu wese munyika ange ave kugara zvakanaka panosvika gore ra 2030.

VaNcube vatiwo hurumende ichawedzera nhengo dzeparamende mari dzadzinotambiriswa kuitira kuti dzinyatsoitawo basa dzakachena mwoyo sezvo vachiti nyaya dzinozeyewa nenhengo dzeparamende mudare radzo dzichibata hupenyu hweveruzhinji.

VaNcube, avo vanga vakatsigirwa nemunyori mubazi ravo, Va George Guvamatanga, vati mari dzemitero dziri kubhadhariswa vanhu dzichashandiswa kugadzira zvinhu zvinobatika zvakafanana nemigwagwa nekuona kuti zvipatara zvine mishonga vachiti zvakakosha kuti nyika irwisane nehuori kuti mari dzemitero dzioneke kushanda kwadzo.

Mushure mekuparura hurongwa hwavo, Va Ncube vaudza Studio7 kuti vane hurongwa hwekubvisa mari yemhando yema bond notes nekufamba kwenguva mushure mekunge vagadzirisa zvinhu zvakati kuti.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vachishanda nesangano re Labour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Propser Chitambara, vaudza Studio7 kuti hapana chinofamba kana hurumende isina kuzvipira kuita zvose zviri kutaurwa naVaNcube.

VaChitambara vati Zimbabwe inogona kusimukira kana ikashandisawo zviwanikwa zvayo zvakanaka pasina kutsvaga mari kunze yekuisa muhupfumi kana kuti stimulus package.

Vazivisawo kuti hurumende ine hurongwa hwekuti pave nenzvimbo imwe chete ichange ichipa marezeresi kune vekunze vanoda kuita mabhizimusi munyika vachiti pane vamwe vana muzvinabhizimusi vavasina kudoma nemazita vavati vakatonosima mari dzavo kune dzimwe nyika dzakapoteredza Zimbabwe nechikonzero chekuti vainzi vatsvage marezenesi anodarika makumi maviri kuitira kuti vaite bhizimusi ravo muZimbabwe.

Bazi rezvemari ratiwo riri mubishi kuongorora nyaya yekuti vari muhurumende vashandise motokari dzisingadhure senzira yekuderedza huwandu hwemari inoshandiswa nehurumende muzvinhu zvisina nemusoro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG