Accessibility links

Breaking News

VaParirenyatwa Vanobvisiswa Mazana Mashanu eMadhora seMari yeChibatiso


VaDavid Parirenyatwa
VaDavid Parirenyatwa

Vaimbova gurukota rezvehutano, VaDavid Parirenyatwa, avo vasungwa neChina, vamiswa pamberi pedare ramejisitiriti vachipomerwa mhosva yekushandisa masimba avo zvisirizvo panguva yavaive gurukota rehurumende.

Muchichisi wenyaya iyi, VaMichael Reza, vaudza dare kuti VaParirenyatwa vakashandisa chinzvimbo chavo zvisirizvo pavanonzi vakaudza sachigaro webhodhi rekambani yeNatpharm, VaGeorge Washaya, kuti vakanzure magwaro ebasa aAmai Flora Nancy Sifeku avo vaive mukuru wekambani yeNatpharm vachiti vaida kuti Amai Sifeku vashande kumuzinda webazi rezvehutano kwenguva isina kutarwa.

VaReza vatiwo VaParirenyatwa vakakonzeresa kuti VaNewman Madzikwa, avo vanove mukuru anoona nezvemishonga mubazi rezvehutano, vapihwe basa rekufanobata chigaro chemukuru weNatpharm kubva musi wa1 Chikumi wegore rino.

Muchuchisi wenyaya iyi aenderera mberi achiti izvi zvakakonzera kuti bhodhi reNatpharm ripe Amai Sifeku naVaMadzikwa magwaro ebasa emwedzi mitanhatu kubva musi wa1 Chikumi kusvika 30 Mbudzi gore rino.

VaReza vati izvi zvakaita kuti kambani yeNatpharm irasikirwe nemari inosvika zviuru gumi nezvishanu zvemadhora sezvo Natpharm yanga ichibhadhara vanhu vaviri vanga vachiita basa rimwe chete.

Mutongi wedare, VaElisha Singano, vatura mutongo wekuti VaParirenytwa vabhadhare mazana mashanu emadhora semari yechibatiso kunyange hazvo muchichisi wenyaya iyi anga achida kuti vabhadhare chiuru chemadhora.

Dare ratiwo VaParirenyatwa vasiye pasipoti yavo kudare, vazvipire kumapurisa anorwisana nehuori eAnti Corruption Unit kuMorris Depot musi weMuvhuro neChishanu svondo rega-rega uye kuti varambe vachigara pamba yavo yekuBorrowdale pamwe nekusavhiringidzana nevafakazi kudzamara nyaya iyi yapera kunzwikwa mumatare.

Zvataurwa naVaReza mudare pamwe nezvaturwa nedare zvatsinhirwa negweta raVaParirenyatwa, VaJames Makiya.

Asi VaMakiya vati VaParirenyatwa vari kuramba mhosva yavari kupomerwa vachiti maoko avo akachena semukaka.

VaParirenyatwa ndeumwe wevanhu vaiva makurukota akange agara kwenguva refu akasiyiwa pakadomwa makurukota ehurumende matsva nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, zvichitevera sarudzo dzakaitwa musi wa30 Chikunguru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, nyanzwi inowongorora zvematongerwo enyika yakazvimirira, VaRejoice Ngwenya, vanoti kana VaMnangagwa vachida kupedza nyaya dzehuwori, vanofanirwa kuferefeta uye kusunga dzimwe shamwari dzavo muhurumende yavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG