Accessibility links

Breaking News

Vanotengesera Mumigwagwa Voramba Vakatsika Madziro Vachiti Hakuna Kwavanoenda


Zimbabwe Vendors
Zimbabwe Vendors

Vanotengesera mumigwagwa yemuHarare vanoti havasi kuzobva munzvimbvo dzavanotengesera kudzamara hurumende yavapa mabasa kunyange hazvo hurumende ichiti iri kutyira kuti chirwere chekorera chinogona kuramba chichipararira kana vanhu ava vakaramba vari munzvimbo dzvari kutengesera idzi.

Vanorarama nekutengesera mumigwagwa yemudhorobha reHarare vanoti havasi kuzobva mumigwagwa mavanotengesera vachiti vari kutotsvagawo kuraramisa mhuri dzavo.

Mumwe wevanhu ava, Amai Lydia Wenjere, vari kuramba mashoko ekuti vanotengesera mumigwagwa ndivo vari kukonzera kupararira kwekorera.

Izvi zvatsinhirwa naAmai Roselyn Sithole avo vanotengeserawo pakati pedhorobha reHarare.

Amai Nyaradzai Kombiro vanoti zvavanotengesa hazvidyiwe saka nokudaro hapana chikonzero chekuti vadzingwe mumigwagwa

Mumwe anorarama nekutengesera mumigwagwa, VaMunyaradzi Rimbi, vanoti hurumende inofanirwa kutanga yavhura makambanikuitira kuti igozodzinga vanhu mumigwagwa.

Mashoko aya akatsinhirwa nameya weguta reHarare, VaHerbert Gomba, avo vakaudza Studio7 neChishanu kuti vanhu havafaniri kungodzingwa sembwa, vachiti kushaikwa kwemabasa ndiko kuri kukonzera kuti vange vari mumigwagwa.

VaGomba vanoti vari kuita hurukuro nevatonga mumigwagwa vachisimbaradza nyaya yehutsanana.

Asi zvave kuita sepane kusawirirana mukanzuru yeHarare sezvo mutauriri wekanzuru iyi, VaMichael Chideme, vakaburitsa mashoko ekuti vanotengesa vanga vapihwa kusvika Mugovera kuti vabude mumigwagwa vasingadzingirirwe senzira yekurwisana nechirwere chekorera vachiti izvi zvichaita kuti dhorobha rigare rakachena.

Hatina kukwanisa kutaura negurukota rezvehutano, VaObediah Moyo, kuti tinzwe kuti vanhu vafa nechirwere chekorera kusvika nhasi vave vangani munyika yose VaMoyo vambenge vati tigozovabata mukupera kwezuva asi pataenda pamhepo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Kanzuru yeHarare inoti vanhu makumi maviri nemasere vafa nekorera kusvika pari zvino.

Hurumende yakaburitsa mashoko ekuti vanhu vabatwa nekorera kusvika musi weChishanu vanga vasvika pazviuru zvina.

Chirwere chekorera chinonzi chakaurauya vanhu vanodarika zviuru zvina muna 2008.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG