Accessibility links

Breaking News

Vagari vemuHarare Vanoti Voomerwa neHupenyu neKudhura kweZvinhu


Dambudziko rekushayikwa kwemafuta nekudhura kuri kuita zvinhu muzvitoro rinonzi riri kuramba richiwedzera munyika panguva iyo hurumende ichiti zvinhu zvakawanda munyika zvinokwanira vazhinji.

Vatengi vazhinji vataura neStudio 7 vati hupenyu hwave kuramba huchioma zuva nezuva sezvo mitengo yezvinhu iri kuramba ichikwira muzvitoro. Mumwe wevanhu ava ndiAmai Letwin Mazodza vanogara kuRuwa.

Mumwe mugari wekuZimre Park, Amai Elizabeth Zumbika, vati vave kuswera vari mumitsetse yekutsvaga zvinhu zvakaita semafuta, hupfu, majarini, zvinwiwa, chingwa nezvimwe zvakadaro.

Amai Zumbika vati vave kutyira kuti vana vavo vachaita chirwere che kwashi pamusana pekudya chikafu chisingavake muviri kuri kukonzerwa nekushayikwe pamwe nekudhura kwezvinhu muzvitoro.

Izvi zvatsinhirwa naAmai Melody Kapandura vanogara mumusha unogara veruzhinji weMbare muHarare.

Mumwe mushandi anoshanda pane imwe kambani iri kuMsasa, VaKenneth Chabvamupero, vati makombi ave kudhura zvichitevera kutandavara kuri kuita dambudziko remafuta edzimotokari zvave kupa kuti iye nevamwe vake vafambe netsoka kuenda kumabasa. VaChabvamupero vati chinonyanyovarwadza ndechekuti hurumende pamwe nemakambani akazvimirira havasi kuwedzera vashandi mari dzavanotambira maererano nemamamiriro akaita zvinhu munyika pakatariswa chamurambamhuru chiri kuita mitengo yezvinhu.

Zvichakadai, Amai Leonora Kambarami vaudza Studio 7 kuti chimwe chavekuvatemesa musoro imari yekunze iri kudiwa nevezvimwe zvitoro sezvo vezvitoro ava vari kuramba kutambira mari yemhando yema bond notes kana Ecocash.

Hurumende inoti haione chikonzero chekuti vezvitoro vakwidze mitengo yezvinhu sezvo ichiti zvinhu zvizhinji zvirimo munyika uye zvinkwanira vazhinji. Asi vezvitoro avo varamba kutaura pamhepo vati vari kutenga mari yekunze pamusika mutema kuti vakwanise kuhodha zvinhu kubva kunze.

Vezvitoro ava vatiwo havachazivi kuti ma bond notes acharamba achishandiswa kusvika rinhi sezvo vachiti havasi kuvimba nemashoko ehurumende ekuti ma bond notes acharamba aripo.

Vaenderera mberi vachiti kukwidzwa kwakaitwa mitero nehurumende kwave kureva kuti vanofanira kukwidza mitengo kuti varambe vari mubhizimusi.

Asi vamwe vakuru vemabhizmisi kusanganisa mukuru weConfederation of Zimbabwe Industries VaSifelani Jabangwe vanoti vanovimba kuti mitengo yezvinhu ichadzika sezvo zvinhu zvatigadzikanei pamusika mutemo pange pachitengwa madhora ekuAmerica.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG