Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anosunga Vakuru veZimbabwe Electricity Transmission and Distribution Company


Ammai Charity Charamba

Vakuru vakuru vaviri vekambani yemagetsi yeZimbabwe Electricity Transmission and Distribution Company vasungwa vachipomerwa mhosva yekuita zvehuori hunonzi huri kubatanidzira kambani yekuIndia.

Mapurisa anoshandira bazi rinorwisana nehuori reAnti Corruption Unit anonzi asunga vakuru vaviri vekambani yeZETDC vachipmerwa mhosva yehuori hune chekuita nemari inosvika mamiriyoni makumi matatu nemashanu emadhora ayo anonzi akatsakatika mukutengwa kwemichina yemagetsi inodaidzwa kuti ma transformer.

Vaviri ava ndevanoti VaJulian Chinembiri vanove mukuru wekambani iyi pamwe naAmai Thoko Dhliwayo vanove mukuru anoona nezvemari muZETDC.

Mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, vati tibvunze mutevedzeri wavo, VaPaul Nyathi, nezvenyaya iyi avo vabvuma kuti vaviri ava vasungwa mambakwedza nhasi.

VaNyathi vati zvizere nezvenyaya iyi zvichaburitswa mugwaro ravachaburitsa maererano nenyaya iyi, asi pataenda pamhepo gwaro iri ranga risati rabuda.

Asi mumwe mupurisa ari kuferefeta nyaya iyi uyo asina kuda kudomwa nezita ati vasungwa vaviri vari kuferefetwa nekusafambiswa zvakanaka kwemari inoita mamiriyoni makumi matatu nemashanu yaifanira kutengeswa ma transformer emagetsi neZETDC aifanira kutengwa kubva kune imwe kambani yavati inonzi PME.

Mupurisa uyu atiwo vaviri ava vari kuferefetwawo kuti vakaenda ku tender here kana kuti kwete kuitira kuti pasarudzwe kambani yaizotengesera ZETDC ma transformer aya.

Mutauriri weZESA, VaFullard Gwasira, vati havakwanise kutaura kuti bhodhi ravo raiziva here kana kuti kwete nezvekusafambiswa zvakanaka kwemari kunonzi kwakaitwa nevasungwa ava. Vatiwo vasungwa muromo nekuferefetwa kuri kuitwa nyaya iyi nemapurisa.

Kusungwa kwevaviri ava kunouyawo apo kambani yemagetsi iyi iri kutadza kuwanisa veruzhinji magetsi munzvimbo dzakawanda ichiti haina ma transformer anokwana kuti magetsi aendeswe mudzimba dzevanhu vanenge vachida magesti.

Dzimwe nzvimbowo dzinonzi dziri kupedzisira dzisisina magetsi sezvo ZETDC ichinzi iri kutadza kutenga ma transformer matsva kutsiva ayo anenge atsva zvekusagadzirika.

Kusungwa kwevakuru-vakuru veZETDC ava kunouya panguva iyo pane vaiva makurukota ehurumede vakati wandei vasungwa vakamiswa pamberi pematare vachipomerwa nyaya dzehuori.

Vanhu ava vanosanganisira VaSamuel Undenge avo vaimbova gurukota rezvemhando dzemoto, vaimbova gurukota rezvehutano, VaDavid Pareirenyatwa, vaimbova gurukota rezvematunhu, VaIgnatious Chombo, vaimbova gurukota rezvemigodhi, VaWalter Chidhakwa nevamwe.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakati hurumende yavo haisi kuzorega kusunga vose vachawanikwa vachiita zvehuori zvisinei kuti anenge aita izvi ndiyani.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG