Vachitaura pakuvhurwa kwemusangano uyu muBulawayo, mutevedzeri wegurukota rezvemabhizimisi madiki, VaNoveti Muponora, vati basa rekuita zvigadzirwa zvemaoko kana kuti handicraft muChirungu rakakosha zvikuru nekuti rinokwanisa kuitwa neveruzhinji kusanganisira vekumaruwa, risingade mari yakawanda kuti vatange kuriita.