Accessibility links

Breaking News

VaNaison Ndlovu Vanoshaya muBulawayo


Naison Ndlovu
Naison Ndlovu

Nhengo yeCentral Committee yebato reZanu PF uye vakave meya wechitema wekutanga weguta reBulawayo, VaNaison Khutshwekhaya Ndlovu, vashaya.

Mwanasikana waVaNdlovu, Amai Sifiso Agbetworka, vaudza Studio7 kuti VaNdlovu vashayikira kumba kwake muBulawayo mabakwedza eMuvhuro.

Amai Agbetworka vati baba vavo vange vave nenguva vachirwara nechirwere chegomarara uye vakambogara muchipatara mwedzi wapera asi vange vave kurwara vari kumba.

Vamwe vanhu vanyora paWhatsApp nepaFacebook mushure mekunzwa nezverufu rwaVaNdlovu vati vaive munhu akazvininipisa zvikuru zvisinei nenhoroondo yavo mukurwira rusununguko rwenyika kana zvinzvimbo zvavaive nazvo.

Amai Agbetworka vati vanorangarira baba vavo vari munhu aive nemutsa uye rudo rwakadzika kuvanhu vakasiyana-siyana zvisinei nekwavanobva.

VaNdlovu vange vari nhengo yeCentral Committee yebato reZanu PF variwo senator weInsiza uye varizve mutevedzeri wemutungamiri wedare reSenate.

Nhengo yeCentral Committee yeZanu PF, VaRichard Ndlovu, vati mufi ndemumwe wevanhu vange vasara vashoma vane nhoroondo yakakura yekurwira rusununguko rwenyika.

Vatiwo mufi munhu akaramba akazvipira kunyaya yekurwira rusununguko rwevatema kusvika pakushaya kwavo.

Amai Agbetworka vati hurongwa hwekuvigwa kwaVaNdlovu hausati hwavepo sezvo vachakamirira dzimwe hama. VeZanu PF vanotarisirwa kusangana mangwana kuGwanda kuti vazeye kuti VaNdlovu vopiwa ruremekedzo rupi.

VaNdlovu vaive nhengo yebato reZAPU risati rabatana neZanu PF mugore ra1987.

VaNdlovu ndivo vakave meya wechitema wekutanga weguta reBulawayo uye vakagara pachinzvimbo ichi kubva mugore ra1981 kusvika muna 1985 apo pavakazove mumiriri weInsiza mudare reparamende.

VaNdlovu vakambosungwa munguva yeRhodesia nekuda kwezvematongerwo enyika.

Vasiya mudzimai wavo Thokozile, vana vaviri pamwe nevazukuru vane chitsama.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG