Accessibility links

Breaking News

VaNkosana Moyo Vokwikwidza Musarudzo yeMutungamiri weNyika Vakazvimirira?


VaNkosana Moyo (MINDS)
VaNkosana Moyo (MINDS)

Vakambove gurukota rezvemaindasitiri, VaNkosana Moyo, vanoti vari kufunga zvakadzama kukwikwidza pachigaro chekuve mutungamiriri wenyika vakazvimirira vega musarudzo dzinotarisirwa kuitwa munyika gore rinouya.

Vachitaura neStudio 7 muBulawayo neChitatu manheru, VaMoyo vakati vari kufungisisa zvakadzama kuda kukwikwidza kuve mutungamiri wenyika musarudzo dzinotarisirwa kuitwa munyika gore rinouya.

VaMoyo vakatiwo vachazivisa ruzhinji rwenyika zvizere pamusoro pehurongwa hwavo mukati memavhiki mashoma ari kutevera.

VaMoyo vakati vakambotaurwa navo nevemapato eZapu pamwe chete neZimbabwe People First vachikumbirwa kuti vakwikwidze vakamirira mapato aya asi vakati vanoona zvakanaka kuti vakakwikwidza vaite izvi vasina bato ravakamirira.

VaMoyo vakati munhoroondo yezvematongerwo enyika muAfrica vatungamiri venyika dzakasiyana-siyana havakwanise kutungamira zvinogutsa vanhu vose vemunyika idzi nekuda kwekuti vanenge vachinyanyokoshesa vanhu vanotsigira mapato avo chete.

VaMoyo vakambodomwa kuve gurukutota rezvemaindasitiri muhurumende yeZanu PF, asi vakazosiya chigaro ichi vasina kunyanyoshanda vachiti vaisawirirana negwara ravainzi vashandise nebato reZanu PF pakuedza kuvandudza hupfumi hwenyika.

Mukuru weZimbabwe Democracy Institute, VaPedzisai Ruhanya, vachipa maonero avo panyaya iyi semuongorori wezvematongerwo enyika akazvimirira ega, vati havawone VaMoyo vachibudirira kana vakakwikwidza pachigaro chekuve mutungamiri wenyika vakazvimirira vega.

VaRuhanya vanotiwo dambudziko revamwe vanhu vanopinda mune zvematongerwo enyika inyaya yekuti vanofunga kuti ruzivo rwavanenge vainarwo mune zvakasiyana-siyana runogona kuita kuti vabudirire mune zvematongerwo enyika.

VaMoyo, avo vari kushandira vari kuSouth Africa, vaive vauya kuzove mumwe wevatauri pamusangano waizeya nezvekuti chii chingaitwe mukumutsurudza maindasitiri pamwe nehupfumi hwenyika.

VaMoyo vakati zvakakosha kuti vechidiki vasangopeta maoko vakatarisa zviri kuitika munyika kana kubvuma kushandiswa nenzira isiri iyo nevezvematongerwo enyika.

Mukuru wesangano rePlatform for Youth Development, VaClaris Madhuku, vanoti vanobvumirana nemaonero aVaMoyo vachiti vechidiki vose vabve zera vanofanirwa kunyoresa kuti vagokwanisa kuvhota.

VaMoyo vakamboshanda nebhanga reAfrican Development Bank uye pari zvino ndivo mukuru weMandela Institute for Development Studies kuSouth Africa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG