Accessibility links

Breaking News

Vechidiki Voita Ongororo Inobata Kushaikwa kweMari Munyika


Youth byo
Youth byo

Apo veruzhinji vari kuramba vachinetseka nekushaya mari mumabhangi rimwe sangano revechidiki muBulawayo ratanga chirongwa chekuita ongororo yematambudziko akasiyana siyana ari kusangana nevanhu nekuda kwekushandiswa kwema bond notes munyika.

Vechidki ava vanoti chinangwa chavo ndechekuzoendesa tsvakurudzo yavo kubhanga guru renyika senzira yekuedza kubatsira kupedza matambudziko aya.

Mukuru wesangano reYouth Economic Forum, VaFarikai Masiyamhuru, vanoti sangano ravo raona zvakakodzera kuita tsvagiridzo pamusoro pematambudziko ari kutarisana neveruzhinji kubva mukushaikwa kuri kuitwa mari mumabhangi.

VaMasiyamhuru vati vakazivisa Reserve Bank of Zimbabwe nezvechirongwa chavo vachiti zvakakosha kuti vanhu munyika vaise misoro pamwe chete mukuedza kuwana nzira dzekupedza dambudziko rekushomeka kwemari munyika.

VaMasiyamhuru, avo vanoshandira imwe kambani hombe inogadzira nekutengesa mbatya, vanoti vakatanga sangano reYouth Economic Forum nevamwe vavo gore rakapera nechinangwa chekupa vechidiki mikana yekuti vazeye nezvemagariro evanhu uye nezvehupfumi ukuwo sangano iri richishanda sechipangamazano munyaya idzi.

VaChirenje Moyo avo vanove nhengo yesangano reYouth Economic Forum vati senzira yekuita ongororo yavo vanenge vachitaura neveruzhinji vachivabvunza zvavari kusangana nazvo zuva nezuva mukutsvaga mari kumabhangi.

VaMoyo vanoti kunze kwekunetseka kuwana mari mumabhanga mamwe matambudziko avatonzwa kubva kuvanhu munguva pfupi yavatanga chirongwa chavo anosanganisira kuti vakuru vakuru vemabhangi akasiyana siyana havautaure nevanhu vachivatsanangurira zvizere pamusoro pedambudziko rekushomeka kwemari.

Vatiwo vakawanda vari kuchema nerekuti mukutsvaga mari kumabhangi vari kurasikirwa nenguva yakakura pamwe nemari shoma yavanenge vainayo.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kuReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, kana kusangano reBankers Association of Zimbabwe.

Nyika yakatanga kushandisa mari yemabond notes muna Mbudzi gore rapera mushure mekunge mukuru weRBZ, VaJohn Mangudya, vachiti iyi yaive nzira yekubatsira kugadzirisa kushomeka kwemari yekunze munyika uye zvaizoitika kwenguva pfupi.

VaMangudya vakatiwo ma bond notes akatadza kushanda zvakanaka, vaizosiya basa.

Zimbabwe yakatanga kushandisa mari yekunze mugore ra2009 mushure mekunge mari yemunyika yapera simba rekutenga.

VaMasiyamhuru vati maonero avo ndeekuti nyika inofanirwa kuve nemari yayo asi mari iyi inofanirwa kuunzwa kana mamiriro ezvehupfumi agadziriswa uye veruzhinji vachinyatsoziviswa zvizere pamusoro penyaya iyi.

VaMasiyamhuru vati vanotarisira kupedza ongororo yavo mukati memasvondo maviri vobva vaendesa zvavanenge vawana kuRBZ.

Mutevedzeri wemukuru wesangano reCentre for Public Engagement, vachitaura semuongorori wezvematongerwo enyika akazvimirira ega, VaButler Tambo, vanoti vanhu munyika vane tsika yekufira mumbereko semwana asingacheme vachiti zvakakosha kuti veruzhinji vakwanise kutaura pachena pamusoro pematambudziko avakatarisana nawo kunyanya panyaya yekushaikwa kwemari munyika.

Vanhu munyika pavakabvunzwa kuti vanoda kuti mabond notes ashandiswe here kana kuti kwete, vakawanda vakati kwete asi hurumende yakaenderera mberi nekuunza mari iyi ichiti izvi zvaizobatsira kushaikwa kwemari munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG