Accessibility links

Breaking News

Kushandiswa kweMagetsi eZuva Kwokurudzirwa


Bazi rezvemhando dzemoto rinoti kuve nemagiza anoshandisa moto we solar, kana kuti zuva, kunobatsira nyika kuchengetedza magetsi akawanda munyika.

Munyori mubazi rezvemhando dzemoto, VaPartson Mbiriri, vakumikidza zviri pamutemo fekitori inogadzira magiza anoshandisa magetsi anobva kuzuva pakambani yeMornach muBulawayo.

Vachitaura pachiitiko ichi, VaMbiriri, avo vange vakamirira gurukota rezvemhando dzemoto, VaSamuel Undenge, vati nyika pari zvino ine magiza anopfuura zviuru mazana maviri vakati kushandisa magiza esolar kuno kwanisa kubatsira nyika kuti ichengetedze magetsi anosvika 300 megawats, ayo vati anogona kushanda kuita zvimwe zvinhu zvinobatsira nyika.

VaMbiriri vati chirongwa chekugadzirwa kwemagiza esolar sezviri kuitwa nekambani yeMonarch kwakakosha zvikuru sezvo mugore ra2015 hurumende yakaparura gwaro reNational Solar Water Heating Program sehwaro hwekukurudzira kushandiswa kwemagiza anoshandisa moto unobva kuzuva.

VaMbiriri vati chirongwa cheNational Solar Water Heating Program chichaparurwa zviri pamutemo munguva pfupi iri kutevera uye pane chiuru chedzimba dziri muHarare nemuBulawayo dzichawaniswa magiza anoshandisa moto wezuva pachaparurwa chirongwa ichi.

VaMbiriri vati pari zvino nyika iri kukwanisa kugaya magetsi anosvika chiuru chema megawatts pazuva vakabvumawo kuti huwandu hwemagetsi ari kushandiswa munyika pari zvino hwakaderera chose sezvo maindastiri asiri kunyatsoshanda.

Mukuru wekambani yeMonarch, VaFitzpatrick Mawovera, vati kambani yavo yakashandisa mari inopfuura zviuru zana nemakumi mashanu emadhora kuve nemichina yekugadzira magiza anoshandisa moto wezuva.

Vatiwo vanotarisira kuti nekufamba kwenguva kambani yavo ichawedzera vashandi vanenge vachiita basa iri.

Kambani yeMonarch yakambove nechirongwa chekugadzira magiza anoshandisa moto wezuva mumakore ekuma1990 asi yakazomira mushure mekuona kuti panguva iyoyo, kuita izvi kwaidhura.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaNyasha Muchichwa, vanoti kushandisa mhando yemagetsi anobva kuzuva kunogona kubatsira zvikuru kusimudzira hupfumi hwenyika.

Vachipindura mibvunzo kubva kuvatapi venhau pamusoro penyaya iyi, VaMbiriri vati kugadziridzwa kwegwenya remagetsi e thermal muBulawayo uko hurumende yaive yati kuchatanga pakupera kwemwedzi waKukadzi, kuchatanga kana India yapedza kuongorora makambani ekunyika iyi anotarisirwa kuita basa iri.

Hurumende yekuIndia yakapa chikwereti chemari inoda kusvika mamiriyoni mapfumbamwe emadhora chekugadzirisa gwenya iri.

Panyaya yekuti nyika inogona kudzimirwa magetsi nekambani yemagetsi yekuSouth Africa, Eskom, nekuda kwekusabhdhara zvikwererti, VaMbiriri vabvuma kuti hurumende iri kunetseka nekuda kwekushaya mari yekunze.

Asi vati vanotarisira kuti mari inodiwa ichawanikwa.

Kambani yeZESA Holdings ine chikwereti chemamiriyoni makumi mana nemana emadhora kukambani yeEskom.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG