Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeZanu-PF Dzomiswa paMberi peDare neNyaya yeMhirizhonga


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Nhengo dzeZanu-PF nomwe dzakamiswa pamberi pedare muBulawayo nemusi weChipiri zvichitevera mhirizhonga yakaitika pamuzinda webato iri weDavis Hall muBulawayo.

Vanomwe ava vakapinda mudare vari muzvikwata kuchitanga vechidiki vatatu kukazotevera mudzimai mumwe chete kuchizopedzisira varume vaviri nemudzimai mumwe chete.

Vanomwe ava vanosanganisira vechidiki vanoti VaDavies Muhambi, VaMagura Charumbira naVaMabutho Moyo, naAmai Abigail Nyamunda pamwe nevarwi vehondo yerusununguko vanoti VaCephas Ncube, VaLuke Mpofu naAmai Juliet Sibanda vange vachipomerwa mhosva dzinosanganisira kupunza midziyo kana kuti "malicious damage to property" muChirungu, pamwe nekurova vanhu.

VaNcube, VaMpofu naAmai Sibanda vari kunzi vakarova sachigaro wevechidiki veZanu-PF mudunhu reBulawayo Muzvare Anna Mokgohloa.

Vanomwe ava avo vange vachitongwa vachibva kumba havana kubvisiswa mari yechibatiso uye vanzi vadzoke mudare zvekare musi wa2 Chikumi.

Rimwe remagweta ange achimirira vanomwe ava VaTanaka Muganyi vaudza dare kuti pachadzoka vanhu ava zvekare mudare vanotarisira kuti vachuchisi vachange vagadzirira kuti nyaya yavo itange kutongwa sezvo vati havazobvume kuti nyaya iyi izoendeswa mberi zvekare.

VaMuganyi vaudza Studio 7 kuti mhosva dziri kupomerwa vanhu vavakamirira ndedzenhando uye dziri kungosimudzwa nemakakatanwa munyaya dzezvematongerwo enyika.

Vanhu gumi vakasungwa nemusi weSvondo zvichitevera mhirizhonga yakaitika pamuzinda weZanu PF muBulawayo.

Vanoziva nezviri kuitika vanoti vanhu ava vakarwa nekuda kwekurwira masimba kuri kuitika mubato iri. Vamwe vatatu vasina kupinda mudare nhasi vanotarisirwa kupinda mangwana.

Vachitaura neStudio 7 neMuvhuro, dzimwe nhengo dzeZanu-PF dzainge dziri mukurwisana uku dzakati bata murefu bata mupfup iyi yainge iri pakati pevanonzi vanotsigira chikeata cheG40 chinonzi chine vanhu vakaita segurukota rezvematunhu VaSaviour Kasukuwere uye chimwe chikwata chinonzi Team Lacoste icho chinonzi chinotungamirwa nemumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG