Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoshora Kusungwa kwaVaHichilema kuZambia


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vashora kushungurudzwa kwavanoti kuri kuitwa mutungamiri webato rinopikisa muZambia, VaHakainde Hichilema, nehurumende yavo.

Vachitaura kuvatsigiri vavo pamusangano wavakaita nemusi weMugovera muGweru, VaTsvangirai vakati kuchamhembe kweAfrica, Zimbabwe ndiyo nyika ine mukurumbira wakaipa wekutyora kodzero dzevanhu kunyanya munyaya dzezvematongerwo enyika kusanganisira mafambisirwo esarudzo.

Asi VaTsvangirai vakati vari kushushikanawo nezviri kuitika kuZambia uko mutungamiri webato rinopikisa, VaHakainde Hichilema, vari muhusungwa vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende.

VaTsvangirai vakati mune dzimwe nyika muAfrica mune tsika yekuona vemapato anopikisa semhandu kuhurumende, vakati maitiro akadai anofanirwa kupera vachitiwo shuviro yavo ndeyekuti VaHichilema vawaniswe zuva rekumiswa pamberi pedare nyaya yavo ichinzwikwa pachena.

VaTsvangirai pachavo vakambosungwa vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende.

Mashoko aVaTsvangirai aya anogona kuonekwa nevamwe seangakonzera mutauro munyaya dzekudyidzana pakati peZimbabwe neZambia.

Asi mukuru weZimbabwe Democracy Institute, VaPezdisai Ruhanya, vanoti zvakataurwa naVaTsvangirai ndezvemandorokwati.

Pamusangano wemusi weMugovera pane vamwe varwi vehondo yerusunguko nevaibatsira varwi ava - avo vanoziikanwa vachinzi vana mujibha naana Chimbwido - vekudunhu rekuMashonaland East, vakati vaive vave kupinda mubato reMDC T vachisiya kuve nhengo dzeZanu PF.

VaTsvangirai vakarumbidza vanhu ava vachiti vaive vaita zvakanaka kudzoka kune veruzhinji.

VaTsvangirai vakati veruzhinji havafanirwe kutya kuti kana bato ravo rikakunda musarudzo ringatadziswe kutora masimba nevechiuto vachiti masoja nemapurisa vakawanda vari kutamburawo sevamwe vanhu vose uye vanotodawo kuti ramangwana renyika rive rakanaka.

Vakashora vamwe varwi vehondo yerusununguko avo vakati vanoita sezvinonzi kuve varwi vehondo iyi kunovapa kodzero dzinopfuura dzevamwe vanhu vose, vachitiwo nyika haifanirwe kukoshiwa kuti veruzhinji vakawanda vakapawo rubatsiro rukuru muhondo yekuti nyika iwane kuzvitonga kuzere.

VaTsvangirai vakatiwo matambudziko makukutu akatarisana neZimbabwe anoda kuti nyika igadzirise hukama hwayo nedzimwe nyika dzepasi rose kuti igowana rubatsiro rwakafanira.

Vakati bato reMDC T harivengi China asi vakati kana bato ravo rikakunda musarudzo dzegore rinouya, vachaumba hurumende inoita hushamwari nenyika dzakawanda dzepasi rose, vachiti havade hushamwari hunenge hwakarerekera kudivi rimwe chete.

VaDidmus Dewa vanodzidzisa zvidzidzo zverunyararo nebudiriro neZimbabwe Open University.

Vachitaurawo semuongorori wezvematongerwo enyika akazvimirira ega VaDewa vanoti zvakakosha kuti Zimbabwe igadzirise hukama hwayo nenyika dzepasi rose.

Musangano waVaTsvangirai wakapindwa nevanhu vanodarika zviuru gumi nezvishanu, uye vari vanhu vakaenda vega pasina anovamanikidza sezvinoitika kumisangano yaVaMugabe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG