Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Votarisira Kumutsurudzwa kweNRZ


NRZ Demos14.
NRZ Demos14.

Kunyange hazvo vachibvuma kuti kambani iyi yakatarisana nematambudziko makukutu vakuru vakuru pamwe nevashandi vekambani yeNational Railways of Zimbabwe, NRZ, vanoti vanovimba kuti hurongwa hwekumutsurudza kambani iyi huchabudirira.

Vachitaura pamusangano hwekutsanangura hurongwa hwekumutsurudza kambani yeNRZ kune vamwe vemabhizimisi vari kuda kusima mari mukambani iyi muBulawayo nhasi, sachigaro webhodhi reNRZ, VaLarry Mavhima, vabvuma kuti kambani iyi yakatarisana nematambudziko akawanda.

Vati mamwe ematambudziko aya anosanganisira kutadza kutakura zvinhu zvakawanda nekuda kwekusamira zvakanaka kwehupfumi munyika uye kuve nenjanji nezvitima zvachembera.

VaMavhima vaudza Studio7 kuti kambani yeNRZ yakakosha zvikuru munyika vakati vari kufara nekubvuma kwakaita hurumende hurongwa hwekuti kambani iyi imutsurudzwe vachitiwo vanotarisira kuti hurongwa uhu huchabudirira.

Kambani iyi yakatoshambadza kuti iri kutsvaga vemabhizimisi vanoda kusima mari mairi uye mari iyi inotarisirwa kuve mamiriyoni mazana mana emadhora. Pamubvunzo wekuti havawone here hurongwa uhu huchizokundikana nekuda kwekupindira kwezvematongerwo enyika, VaMavhima vabvuma dambudziko iri asi vati vanotarisira kuti hurongwa uhu huchabudirira.

Nekuda kwebasa rayo rekutakura zvinhu zvinorema zvakawanda panguva imwe chete Kambani yeNRZ ndeimwe yemakambani makuru uye akakosha munyika.

Asi kusashanda zvakanaka kwekambani iyi kwasiya vashandi vakawanda vachirasikirwa nemabasa uye vamwe vachishanda vasingawane mari yavo yemuhoro kwemwedzi yakawanda.

Pari zvino kambani yeNRZ ine chikwereti chinodarika madhora mamiriyoni makumi mapfumbamwe kuvashandi.

Mukuru weZimbabwe Railways Artisans Union, VaEdmore Africa, vati vashandi vari kufarawo nehurongwa hwekumutsurudza kambani iyi vakatiwo itarisiro yavo kuti hurongwa uhu hauzogumire munzira sezvakaitika pakuda kumutsurudzwa kwekambani yeZiscosteel.

VaAfrica vabvuma kuti vashandi vari kuziviswa zvose zviri kuitika pahurongwa hwekumutsurudzwa kwekambani iyi vakati vanotarisira kuti chikwereti chevashandi chichabhadharwa sekuvimbiswa kwevakuru vakuru vekambani iyi.

NRZ yaive nevashandi vaisvika zviuru zvisere muna 2008, asi huori nekutadza kufambisa zvakanaka mabasa mukambani iyi kwaita kuti zvinhu zviipe, izvo zvakasiya kambani iyi iine vashandi vangangosvika zviuru zvina.

Nekuomerwa nezvinhu NRZ gore rino yakati ichagumira vanhu vanosvika zviuru zviviri kuitira kuti ikwanise kubhadhara vashandi vayo pamwe nekuita basa rayo.

Nyanzvi munyaya dzemabasa nehupfumi, uye vari murongi wemabasa musangano reCentre for Public Engagement, VaAlfred Ncube, vati kumutsurudzwa kweNRZ kunofanirwa kuitwa nekukasika sezvo kambani iyi yakakosha zvikuru mune zvehupfumi hwenyika, uye kuitira kuti ibhadhare vashandi vayo.

Musangano waitwa nhasi wapindwa nevemabhizimisi makumi mashanu nematatu kusanganisira vekuChina, Malaysia, South Africa pamwe nevemuZimbabwe uye hurongwa hwekusarudzwa kwekambani ichasima mari muNRZ huchapera musi wa4 Chikunguru.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG