Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanokurudzira Zvirongwa zveHurumende kuZITF


ZITF 2017
ZITF 2017

Hurumende inoti kuvepo kwemutemo unorambidza kuunzwa kwezvimwe zvinhu zvinotengwa kunze kwenyika kuri kubatsira kuderedza mari inoshandiswa pakutenga zvinhu zvinobva kunze kwenyika uye kumutsurudza maindasitiri emunyika.

Izvi zvabuda pamusangano weInternational Business Conference waitwa neChitatu muBulawayo.

Vachitaura pamusangano uyu, mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vati kubva zvakaiswa Statutory Instrument No. 64 gore rakapera, mari inoshandiswa kutenga zvinhu kunze kwenyika yakaderera uyewo mamwe maindasitiri akakwanisa kuvandudza mabasa awo.

VaMnangagwa vatiwo hurumende iri kuenderera mberi nekutora mamwe matanho ekuedza kubatsira kusimudzira maindasitiri munyika.

Pavabvunzwa mawonero avo panyaya iyi, mukuru mukuru weConfederation of Zimbabwe Industry, VaBusisa Moyo, avo vange varipowo pamusangano uyu vaudza Studio7 kuti vanobvumirana nenyaya yekuti Statutory Instrument No. 64 yabatsira maindasitiri.

VaMoyo vati hurumende haifanirwe kungotaura chete asi kuti inofanirwa kuisa nekukasika hurongwa hunoita kuti vanoda kusima mari mumabhizimisi munyika vakwanise kuita izvi nenzira iri nyore.

Senegal, iyo yange ichifanirwa kuratidza zvigadzirwa zvemunyika mayo kekutanga paZITF asi haina kukwanisa kuita izvi.

Vanoziva nezviri kuitika vanoti veSenegal vakanetswa neveZimbabwe Revenue Authority, Zimra, pakupinda munyika.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kune veZITF kana veZimra panyaya iyi.

Asi VaMoyo vatizvinhu zvakadaro hazvitarisirwe kuitika munyika iri kuedza kuda kukwezva vemabhizimisi vekunze.

Zvichakadaro, mutevedzeri wemukuru weReserve Bank of Zimbabwe, VaKhuphukile Mlambo, vanoti dambudziko rekushaikwa kwemari riri kunyanya kukonzerwa nekuburitswa kwemari munyika zviri kunze kwemutemo uye kusashanda zvakanaka kwemaindasitiri anofanirwa kugadzira zvinhu zvinotengeswa kunze kwenyika.

VaMlambo vati pakati pegore ra2009 negore ra2013 nyika yakarasikirwa nemari inoda kusvika mabhiriyoni matatu mukuburitswa kwemari munyika zvisiri pamutemo.

VaMlambo varamba kuti vakataura kuti nyika inofanirwa kushandisa mari yemaRand yekuSouth Africa senzira yekupedza dambudziko rekushaikwa kwemari vachiti dambudziko iri rinopera chete nekuita kuti maindasitiri emunyika ashande nemazvo uye nekukwezva vekunze vanoda kusima mari munyika.

Munguva pfupi yapfuura mamwe mapepanhau akabudisa nyaya yekuti VaMlambo vaive vati nyika inofanirwa kushandisa mari yekuSouth Africa.

Musangano weInternational Business Conference unoitwa panguva yeZITF uine chinangwa chekuti vemabhizimisi vazive mitemo yehurumende maererano nemabhizimisi pamwe nemaindasitiri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG