Accessibility links

Breaking News

Vakatsemuka Hwasha Vogadzurudzwa paMpilo Hospital


Cleft Lip Op
Cleft Lip Op

Vamwe vana vadiki nevanhu vakuru vane dambudziko recleft lip and palate vari kunhadzurudzwa pachena paMpilo Hospital nemadhokotera ekuAmerica, vamwe vevanhu ava vachirumbidza kushambadzwa kwechirongwa ichi paFacebook nepaWhatsApp.

Dambudziko iri rinoita kuti mwana aberekwe akatsemuka hwasha.

Amai Ropafadzo Simango vanogara kuChipinge mudunhu reManicaland uye mwana wavo Leota, uyo ane makore maviri, akazvara ane dambudziko rekutsemuka hwasha.

Amai Simango vanoti vakatsvaga tsvaga mari yebhazi kuti vauye kuMpilo Hospital muBulawayo mushure mekunge vanzwa nezvechirongwa cheOperation of Hope icho chine madhokotera naana mukoti vekuAmerica vakauya kuzorapa vanhu vane dambudziko recleft lip and palate pachena.

Amai Simango vanoti dai pasina rubatsiro kubva kune veOperation of Hope, havaiwona vachikwanisa kuti mwana wavo agadzirwe dambudziko rake.

Amai Miriam Moyo vekuZvishavane vane mwana wavo Tinevimbo uyo ane makore gumi nematatu.

Tinevimbo akazvarwawo ane dambudziko rekutsemuka kwemuromo nehwasha, asi akakwanisa kugadziridzwa nezuro pasi pechirongwa chimwe chete.

Amai Moyo vati mwana wavo aive ambogadziriswa dambudziko rake pane chimwe chipatara vachishandisa medical aid asi izvi hazvina kufamba zvakanaka, saka nekudaro vaive vave kutya kuti agadziriswe zvekare.

Amai Moyo vanoti vakazozvipira kuuya nemwana wavo paMpilo mushure mekunzwa nezvechirongwa cheOperation of Hope paWhatsApp.

VaForget Chidharara avo vane makore makumi maviri nematanhatu ekuberekwa ndemumwe wevanhu vakuru vanhadzurudzwawo muromo wavo pasi pechirongwa ichi.

VaChidharara vange vasati vave kukwanisa kutaura asi pavabvunzwa neStudio 7 kuti vari kunzwa sei mushure mekugadziriswa vakwanisa kunyora pasi kuti vari kufara zvikuru.

Muzvare Jossie Adams avo vane makore makumi mana nemaviri ndemumwewo wevanhu vakuru vange vakatarisira kunhadzurudzwa nhasi masikati.

Muzvare Adams, avo vakatanga kuzvimba muromo wavo makore gumi nemaviri apfuura, vati vange vasingakwanise kuwana mari yekuti vanhadzurudzwe vakatiwo vari kufara chaizvo nechiitiko ichi.

Muzvare Martha Pamire, avo vanoshanda nesangano reOperation of Hope, vati vanotarisira kunhadzurudza vanhu vanopfuura makumi mana panopera chirongwa ichi muBulawayo nemusi weChishanu.

Mukuru mukuru weOperation of Hope, Amai Jennifer Mora, vati kubva pakatanga chirongwa cheOperation of Hope muZimbabwe mugore ra2006 kusvika pari zvino, pane vanhu vanopfuura zviuru zvishanu vanhadzurudzwa.

Dambudziko recleft lip and palate nderekuzvarwa naro uye vana mazvikokota vanoti pasi rose mwana mumwe chete pavana vanosvika mazana masere anozvarwa ane dambudziko iri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG