Accessibility links

Breaking News

Musangano weCODEPA Unopera muBulawayo


Codepa
Codepa

Vamwe vanoita mabasa emaoko vanoti musangano weCoordination Committee for the Development and Promotion of African Handicraft, CODEPA, wabatsira zvikuru mukushambadza zvavanogadzira, mutauriri wedare reparamende, VaJacob Mudenda, vachitiwo zvakakosha kuti nyika dzemuAfrica dzibatane mukusimudzira mabasa azveigadzirwa zvemaoko.

Vachivhura zviri pamutemo musangano weCODEPA VaMudena vati pasi rose mabasa emaoko anowanisa dzimwe nyika mari yakawanda zvikuru.

VaMudenda vati nyika dzakadai seChina neIndia idzo dzinotungamira mukuwana mari kubva kumabasa emaoko, dzinokwanisa kuita zvigadirwa zvakawanda panguva imwe chete nekuda kwekushandisa hunyanzvi hwechizvino zvino mukugadzira zvinhu izvi.

Vati zvakakosha kuti hurumende dzenyika dzemuAfrica dziise misoro pamwe chete kuti dziwane nzira dzekusimudzira mabasa emaoko sezvo achikwanisa kusimudzira hupfumi hwenyika idzi zvakanyanya.

Vachitaurawo pamusangano uyu, gurukota rezvemabhizimisi madiki, Amai Sithembiso Nyoni, vati mari inowanikwa nenyika kubva mukutengeswa kwezvigadzirwa zvinogadzirwa nemaoko yakaderera kubva pamamiriyoni makumi mashanu mugore ra2008, kusvika pamamiriyoni gumi nemashanu muna 2015, vakati izvi zvakakonzerwa nezvirango zvavati zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzekumadokero.

Chizvarwa chekuSouth Africa, Muzvare Yolanda Msutwana, vanogadzira zvigadzirwa zvakasiyana-siyana kusanganisira zvigaro kubva kumataya emotokari asakara.

Muzvare Msutwana vatsinhirawo kukosha kwakaita kuti nyika dzemuAfrica dzibatane muzvinhu zvakadai sekusimudzira hupfumi hwenyika idzi.

Kunyange hazvo South Africa isati yave nhengo yeCODEPA, inotarisirwa kuve nhengo yeboka iri munguva pfupi inotevera, uye Amai Lindiwe Zulu vanove gurukota remabhizimisi madiki muSouth Africa vange varipowo pamusangano uyu.

Amai Rose Vambe avo vanogadzira mbatya dzinoziikanwa dzichinzi ‘African Attire’ ndemumwe wevanhu vanoita zvigadzirwa zvemaoko vange varipowo pamusangano uyu.

Amai Vambe vati musangano uyu wabatsira zvikuru kusimudzira bhizimisi ravo.

VaJustice Dzapasi avo vanogadzira zvivezwa zvakasiyana-siyana, vatiwo musangano uyu wavapa mukana wekudzidza kubva kune vamwewo vekunze nevemuno munyika vanoita basa rakafanana neravo.

VaEmmanuel Noko vanoshanda nesangano reHand in Hand Zimbabwe iro rinobatsira vanhu, kunyanya madzimai, vanoita mabasa ezvigadzirwa zvemaoko.

VaNoko vati musangano weCODEPA, uyo wasvika kumagumo neChishanu, wavabatsira kuti vazive kuti zvigadzirwa zvemaoko zveingatengeswa kupi.

Zimbabwe yapiwa husachigaro hwemubatanidzwa uyu uye Amai Nyoni vachiitwa sachigaro kwegore rinotevera.

CODEPA ine nyika makumi maviri nenhanhatu dzemuAfrica, chinangwa chiri chekusimudzira mabasa emaoko.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG