Accessibility links

Breaking News

Shirikadzi neVakweguri Vobatsirikana neSizinda Community Garden Project


Mbuya Judith Dube
Mbuya Judith Dube

Panguva iyo vanhu vakatarisana nematambudziko akawanda munyika, rimwe gadheni remushandira pamwe muBulawayo riri kubatsira vamwe vanhu, kunyanya vakwegura pamwe neshirikadzi dzinochengeta nherera.

Ambuya Judith Dube, avo vane makore makumi matanhatu nerimwe ekuberekwa, vanogara mumusha weSizinda nemurume wavo, pamwe chete nevana vavo vakura vaviri, uye vazukuru vatanhatu.

Ambuya Dube havashande, uye murume wavo ave pamudyandigere, ukuwo vana vavo vasingashandewo.

Sevamwewo veruzhinji, Ambuya Dube nemhuri yavo vari kuomerwa nehupenyu.

Ambuya Dube vanoti hupenyu hwavo huri kureruka nezvavari kuita mugadheni iri.

Mbuya Dube ndivo sachigaro weSizinda Community Garden Project unove mushandirapamwe unosanganisira vanhu vakwegura kunyanya madzimai, uye shirikadzi nevanochengeta nherera

Mubatanidzwa weSizinda Community Garden une nhengo zana negumi nevasere.

Gadheni iri riri pahekita imwe chete nechidimbu, uye nhengo imwe chete yemubatanidzwa uyu ine nzvimbo yekurima mibhedha gumi neminomwe yezvirimwa zvakasiyana-siyana, kusanganisira muriwo pamwe nemadomasi.

Ambuya Dube vanoti gadheni iri risati ravepo, vanhu vari mumubatanidzwa uyu vairarama hupenyu hwekudya nhoko dzezvironda, asi ikozvino vanoti vave kurarama hupenyu huri nani.

Gadheni reSizinda rakatangwa mugore ra2015 uye rinodiridzirwa nepombi inoshandisa magetsi anobva kuzuva.

Pombi iyi inokwanisa kupomba marita emvura zviuru zvipfumbamwe paawa imwe chete, uye mvura iyi inochengeterwa mutangi remvura riripo.

Kucherwa kwemugodhi pamwe nepombi yemvura zvakaita zviuru zvinomwe zvemadhora.

Gadheni iri rakakomberedzwa nefenzi uye mugadheni umu pane nzvimbo yakavakirwa danga rehuku.

Pakashandiswa mari inosvika madhora zviuru makumi matatu nezvishanu zvemadhora kuti zvose zviri pagadheni iri zvivepo.

Mari iyi yakabva kusangano reSally Foundation rekuAustralia, richishanda nesangano reZimbabwe Development Democracy Trust, iro riri kubatsira nhengo dzemubatanidzwa uyu.

Amai Chidhoti Mbewe mugariwo wemuSizinda uye inhengo yeSizinda Community Garden.

Murume waAmai Mbewe akashaya, uye vanotambira mari yemudyandigere kubva kukambani yeNational Railways of Zimbabwe kwaishanda murume wavo.

Vanowanawo imwe mari kubva kuNational Social Security Authority, asi vanoti mari iyi yainge isingavakwanire zvekuti vainetsekawo nehupenyu vasati vave nhengo yemushandirapamwe.

Imwezve nhengo yeSizinda Community Garden ndemumwe mukadzi akangozvidoma nezita rekuti Amai Banda. Amai Banda vanoti vasati vave kuita zvegadheni izvi, vaitambura zvekusvika pakupererwa nezano rekuti vowana kupi rubatsiro.

Pamusoro pekurima, nhengo idzi dzine hurongwa hwekupfuya huku senzira yekuedza kuwedzera mari yavanowana.

Nhengo dzinobhadhara madhora mashanu pamunhu pamwedzi wega wega, uye madhora maviri anoenda muhomwe yemushandirapamwe, ukuwo madhora matatu achichengetwa padivi, mari iyi ichizoshandiswa pakutenga zvinhu zvakadai sezvingadiwa pakugadzirisa pombi yemvura kana yafa.

Ambuya Dube vanoti shuviro yavo ndeyekuti vave nehomwe inokwanisa kukweretesa nhengo dzayo mari dzichizodzorera.

Poverty Reduction Forum Trust, rimwe sangano rinoshanda rakazvimirira rega munyika, rinoti vagari vemumadhorobha vakatarisana nekutambura kukuru nekuda kwekusamira zvakanaka kwehupfumi munyika.

Sizinda Community Garden Project muenzaniso wezvimwe zvirongwa zviri kuitwa mumadhorobha kubatsira kuti vamwe vevanhu vanotambura vawane chauviri, ukuwo vachiwana chikafu chinobatsira kuti hutano hwavo hurambe hwakanaka.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG