Accessibility links

Breaking News

VaNaison Ndlovu Voradzikwa kuHeroes Acre neMugovera


Naison Ndlovu
Naison Ndlovu

Muaturiri wedare reparamende, VaJacob Mudenda, vanoti vatungamiri mune zvematongerwo enyika vanofanirwa kuve vanhu vanozvininipisa vachiyewuka kuti masimba avo ehutungamiri anobva kuvanhu.

VaMudenda vataura mashoko aya muBulawayo apo vanhu vanga vachionekana nemutumbi wemufi, Va Naison Ndlovu, avo vakaitwa gamba renyika.

Vanhu vane chitsama vaungana nahsi muBulawayo pamunamato wekuwonekana nemutumbi waVaNdlovu avo vakapiwa ruremekedzo rwegamba renyika.

Vachitaura pachiitiko ichi, VaMudenda vati kushaya kwaVa Ndlovu kunorwadza nekuda kwekuti kunze kwemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, VaNdlovu ndiye munhu mukuru ange asara mubato reZanu PF ane nhoroondo yakareba mukurwira rusununguko rwenyika.

VaMudenda vasetsa vanhu pavati apo nyika yatarisana nesarudzo dzegore rinouya, vatungamiri vakawanda vachange vave mubishi kumhanyidzana kun’anga kuti varambe vari pazvigaro zvavari.

VaMudenda vati VaNdlovu vaive mutungamiri akanaka aizvininipisa nguva dzose achiyeuka kuti hutungamiri hunobva kuvanhu, vakatiwo zvakakosha kuti vatungamiri vose vagare vachirangarira izvi.

Vanhu vakawanda vataura pachiitiko ichi varumbidza VaNdlovu semunhu aive nerudo uye aitsvaga nguva dzose kubatsira nekusimudzira veruzhinji.

Mwana waVaNdlovu, Dr Eva Agossu, avo vanove chiremba vati baba vavo, avo vakange vave nemakore akawanda vabatwa nechirwere chegomarara, vakange vave kurwadziwa zvikuru mumazuva avo ekupedzisira asi izvi hazvina kuvatadzisa kuramba vachiita mabasa avo ezvematongerwo enyika.

Vatiwo vakatomboedza kutaurira baba vavo kuti vachizorora asi vakaramba nekuti vaive munhu aive akazvipira nguva dzose kuve mutungamiri anobatsira veruzhinji nguva dzose.

Nhengo yeCentral Committee, VaRichard Ndlovu, variwo sahwira wemufi, vati hazvivashamise kuti VaNdlovu vakapihwa ruremekedzo rwegamba renyika vakatiwo vanorwadziwa zvikuru nemashoko akabuda mune rimwe bepanhau ekuti VaNdlovu vaive mutengesi nekuti vakaramba kumutsurudza bato reZapu.

Gurukota redunhu reBulawayo, Aamai Sandi Moyo, vati VaNdlovu vaive munhu aida kubatanidza vanhu vose zvisinei nemarudzi avo vakatiwo iyi ndiyo dzidziso huru inofanirwa kuchengetedzwa nevanhu mukurangarira VaNdlovu.

VaNdlovu, avo vange vachasvitsa makore makumi masere nematanhatu muna Gumiguru, vakashaya nemusi weMuvhuro muBulawayo.

Vachavigwa kumakuva eNational Heroes’ Acre neMugovera muHarare.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG