Accessibility links

Kushaikwa kwemari kuri kuramba kuchiitika munyika kwave kusiya vakawanda vave kutyira kusangana nematambudziko seakaitika mumakore a2007 na2008 vamwe vachiti mukuru weReserve Bank of Zimbabwe, Va John Mangudya, vanofanirwa kusiya basa.

Sevamwe vanhu vakawanda, Muzvare Faith Siziba, vanorarama nekuzvishandira pachavo vega.

Muzvare Siziba vanoti basa ravanoita rinoda kuti vagare vane mari mumaoko uye vanoti kushaikwa kwemari mumabhangi kuri kuvhiringidza bhizimisi ravo.

Amai Chipo Chauke vanorarama nekutenga zvinhu kunze kwenyika vachizozvitengesa.

Amai Chauke, avo vanoti vave kutoita zvekutenga mari kubva kuvanhu vanotengesa mari zvisiri pamutemo, vanotiwo vave kutyira kuti kushaikwa kwemari munyika kuchakonzera mamwe matambudziko makuru.

VaHumprey Moyo, avo vanoshanda pane imwe kambani muBulawayo, vanoti vanhu vave kupedza nguva yakawanda vari mumitsetse vachitsvaga mari kumabhangi vachitiwo zvinopisa tsitsi kuwona vakwegura vachirara panze pemabhangi vachitsvaga mari.

Mukuru wesangano reAffirmative Action Group mudunhu reMatabeleland, VaReginald Shoko, vanoti dambudziko rekushaikwa kwemari rave kuda kuti hurumende itore matanho makukutu akaita sekuti nyika ive nemari yayo pachayo kana kuti ishandise mari yeRand yekuSouth Africa sezvo mari yeku America iri mari inodiwa nevanhu vakawanda.

VaShoko vanoti nyaya yekuve nemari mumabhangi ine chekuita nekuti vanhu vane chivimbo here nemabhangi aya, vachitiwo mukuru weReserve Bank of Zimbabwe, VaJohn Mangudya, vanofanirwa kuratidza kuti munhu akavimbika vosiya basa sezvo zviri pachena kuti vakundikana kugadzirisa dambudziko rekushaikwa kwemari.

Mudzidzi paBulawayo Polytechnic, VaEmmanuel Sibanda, vanotsigira mafungiro aVa Shoko vachiti zvinoshamisa kuti RBZ yave kuda kuburitsa mamwe mabond notes izvo zviri pachena kuti izvi hazvisi kubatsira.

Mutevedzeri weCentre for Public Engagement vachitaura semuongorori wezvehupfumi akazvimirira ega, VaButler Tambo, vanoti RBZ haizi kubuda pachena kuti haisati yapfuura here mamiriryoni mazana maviri ema bond notes aive anzi naVaMangudya ndiwo chete aizodhindwa.

VaTambo vanoti kuti RBZ irambe ichidhinda mamwe mabond notes kunoita kuti nyika idzokere mumatambudziko emakore a2007 ne 2008.

Mabond notes akatanga kushandiswa munyika muna Mbudzi wegore rapera mushure mekushomeka kwemari yekunze iyo yakatanga kushandiswa munyika mugore ra2009.

VaMangudya vaive vati kushandiswa kwemabond notes kuchabatisra kupedza dambudziko rekushaikwa kwemari mumabhangi vakatiwo vaizosiya basa kana dambudziko iri risina kupera.

Veruzhinji vakamirira kuwona kuti VaMangudya vachaita sei panyaya iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG