Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vokurudzirwa Kuti Vape Ropa Kubatsira Vanenge Vapinda muNjodzi


Vamwe vagari vemuBulawayo vacherechedza zuva reWorld Blood Donor Day veNational Blood Services of Zimbabwe vachikururdzira vanhu vakuru kunyanya kuti vazvipire kupa ropa pachena.

Sachigaro weBulawayo Blood Donors Committee variwo nhengo yeboard reNational Blood Services of Zimbabwe vaSipho Bule vaudza Studio 7 kuti vanhu vanonyanya kupa ropa pachena vana vechikoro vakati zvakakosha kuti vanhu vakuru vazvipirewo kupa ropa pachena.

Vanhu vanotenderwa kupa ropa vanenge vari pamakore anodarika gumi nematanhatu kusvika pamakore makumi matanhatu nemashanu. Vane makore anodarika makumi matanhatu nemashanu kusvika pamakore makumi manomwe vanopa ropa chete kana vaine tsamba kubva kuna chiremba kuti vane hutano hwakanaka.

VaBule vati zuva reWorld Blood Donors Day, iro rinocherechedzwa pasi rose rakakosha zvikuru sezvo richipa mukana wekuti vanhu varangarire kukosha kwakaita kupa ropa pachena sezvo ropa chiri chinhu chisingakwanise kugadzirwa nevanhu.

Vatiwo dingindira regore rino rekuti “Blood donation in emergencies” kana kuti “Kupa ropa munguva dzenjodzi” rinoburitsa kukosha kwakaita kupa ropa panguva idzo vanhu vanenge vawirwa netsaona kunyanya dzemumigwagwa seimwe yakaitika kuNyamakate, Mashonaland West svondo rapera.

Pachiitiko chekucherechedza zuva reWorld Blood Donors Day ichi, vanhu vange vachiudzwa zvakawanda pamusoro pekupa ropa pachena uye vamwe vawana mukana wekupawo ropa ravo.

VaMehluli Sibanda mutapi wenhau uye vanoshanda neNational Blood Services Zimbabwe mukukurudzira veruzhinji kuti vape ropa pachena. VaSibanda vave nemakore akawanda vachipa ropa uye vati zvakakosha kuti vatapi venhau vasangonyora chete nezvenyaya iyi asi vawanikwewo vachizvipira kupa ropa.

Mumwezve mugari wemuBulawayo muzvare Siphilisiwe Phiri avo vati vakatanga kuwona kukosha kwekupa ropa mushure mekunge vawona imwe tsaona yemumugwagwa, vatsinhirawo kukosha kwakaita kupa ropa.

Princelyn Ncube uyo anove mwana wechikoro, ati kunze kwekuti ropa rinopiwa nevanhu rinobatsira vamwe vanenge vachirida, anoona zvakamukoshera iye pachake kuti ape ropa nekuti zvinomubatsira kuti achengetedze hutano hwake.

Mutevedzeri wemukuru weNational Blood Services Zimbabwe muBulawayo vaGibson Mutasa vati vanhu havafanirwe kutya kuti vangagona kupiwa ropa rine hutachiwana vachiti kambani yavo ine hunyanzvi hwekuongorora ropa kuti rine hutachiwana here kana kuti kwete.

Ropa rinoita madhora zana kuzvipatara zvehurumende, richiita madhora zana nemakumi maviri kuzvipatara zvakazvimirira zvega.

Vanhu vakawanda vanowanzochema chema nekuti ropa rinodhura asi veNational Blood Services Zimbabwe vanoti hapana mari yakawanda yavanowana pakutengesa ropa asi kuti mari iyi inoshanda kuti vawanise vanhu ropa rakachena pavanorida uye kuri chengetawo mumatura avo.

Zuva reWorld Blood Donor Day rinocherechedzwa pasi rose musi wa14 Chikumi wegore rega rega.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG