Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNamibia, VaHage Geingob, Vanovhura ZITF Vachikurudzira Kudyidzana kweZimbabwe neNamibia


Mutungamiri weNamibia, VaHage Geingob
Mutungamiri weNamibia, VaHage Geingob

Mutungamiri weNamibia, VaHage Geingob, vanoti kudyidzana pakati peNamibia neZimbabwe munyaya dzemabhizimisi kwakaderera vachiti kudyidzana uku kunofanirwa kukwira.

Vachivhura ZITF yegore rino zviri pamutemo, VaGeingob vati mugore rapfuura Namibia yakatenga kubva kuZimbabwe zvinhu zvemari inosvika mamiriyoni makumi maviri nemana emadhora.

Vati kudyidzana pakati peNamibia neZimbabwe uye pakati penyika dzemuAfrica kunofanirwa kukwira vachiti kuita izvi kunobatsirawo kusimudzira hupfumi henyika idzi.

VaGeingob vati Namibia ichiri yakatarisana nedambudziko munyaya yekugovewa kweivhu vakati nyika yavo inogona kudzidza zvakawanda kubva mukugadziriswa kwakaitwa nyaya iyi muZimbabwe vachiti kugadzirisa nyaya iyi kunobatsira kurwisa hurombo hune veruzhinji.

Vati hurmende yavo yakatanga chirongwa chavakati "Harambe" senzira yekurwisa hurombo uye kusimudzira hupenyu hweveruzhinji munyika mavo.

VaGeingob vati vemakambani vanofanirwa kuita zvemabhizimisi vasina kungonangana nekuwana mari chete, asi kubatsirawo kurwisa hurombo.

Vasati vatura mashoko avo, VaGeingob vamboshanyira nzvimbo dzakasiyana-siyana muZITF pamwe nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachiona zviri kuratidzwa pachirongwa ichi.

Nyika gumi neina chete ndidzo dzange dziine makambani adzo achiratidza zvigadzirwa paZITF yegore rino.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG