Chikwata chemaWarriors chave pasi pasi mugungano remunzira yekuenda kumakundano ekupedzisira e2022 World Cup zvichitevera kukundwa kwachaitwa neEthiopia nhasi.
Vatsigiri vakawanda vemutambo wenhabvu havana chivimbo nechikwata chavo chemaWarriors apo chirikupinda munhandare neEthiopia nemusi weChipiri mumutambo we2022 World Cup.
Zvikwata izvi zvaita mangange 0-0 mumutambo uyo Zimbabwe yanga ichifanira kukunda kuti ipfavise nzira yayo yekuenda kumafainari e2022 World Cup.
Chikwata chenhabvu chenyika chinoti chinovimba zvikuru kuti chichakunda South Africa mangwana mumutambo we2022 World Cup kunyange hazvo chasangana nematambudziko makukutu munzira yemutambo uyu.
Mutambi wenhabvu akaita mukurumbira munyika uye akatora mukombe weSoccer Star of the Year kakawandisa kudarika vatambi vese, George Shaya, ashaya.
Vatambi venhabvu vapinda munzara nekumiswa kwemitambo munyika nehurumende nekuda kwekuyedza kumisa kupararira kwechirwere cheCovid 19.
Maneja wemaWarriors VaWellington Mpandare vari muyaunde, Cameroon, vakamirira kunzwa kuti Zimbabwe ichasangana nezvikwata zvipi muma fainari e2021 Africa Cup of Nations.
Sibanda ashaikira pachipatara cheMater Dei Hopsital muBulawayo nhasi mangwanani aine makore makumi matanhatu nematatu ekuberekwa, asarirwa nemwedzi mumwe chete kuti asvitse makore makumi matanhatu nemana.
Vatambi veZimbabwe varikudzoka kubva kumaOlympic Games vasina chavakabata nemhaka yezvikonzero zvagara zviripo kwenguva refu. Sezvakangoitika muna 2016 vatambi veZimbabwe vadzoka kubva kuma 2020 Olympic Games vasina chavakabata dzimwe nyika dzichipemberera kuwana menduru.
Vatambi veZimbabwe vave kudzoka kumush vose pasina kana mumwe chete awana menduru kumakwikwi ekumaOlympics ari kuitirwa kuTokyo, Japan.
Mutambi wegolf muZimbabwe, Scott Vincent, nhasi afamba zvinodakadza kukwira patafura yemenduru kuma 2020 Olympic Games ari kuitirwa kuJapan.
Mutambi wegorofu wemuZimbabwe Scott Vincent atanga makundano ake egorofu ari pasi pasi kuma 2020 Olympic Games.
Mutambo wenhabvu warasikirwa nerimwe gamba zvichitevera kushaika kwaita Steve Kwashi uyo akatambira Zimbabwe Saints pamwe nekurairidza Caps United nemaYoung Warriors.
Vatambi vemuZimbabwe Donata Katai na Peter Purcell Gilpin vabuda mukurwira menduru mumakundano e2020 Olympic Games ayo arikuitwa kuTokyo, Japan
Mutambi wetsiva, Charles Manyuchi, achange achidzivirira bhande rake reWorld Boxing Federation ari mune imwe nyika kekutanga kubva zvaatora mukombe uyu.
Chikwata cheZimbabwe chemutambo wekiriketi chawira pasi pasi mugungano rezvikwata zvirikurwira kuenda kumafainari e2023 World Cup.
Akange ari makuwerere kuvatsigiri venhabvu sezvo raive saruraude pamitambo yekuona kubva kuCOSAFA Cup, Euro 2020 Cup uye Copa America.
Chidzambwa akashaya neChina manheru ava nemakore makumi matanhatu nematanhatu ekuberekwa mushure mekurwara kwenguva refu.
Sangano reSports and Recreation Commission rinoti richiri kuzeya chikumbiro cheZIFA chekuti mitambo yenhabvu iyo yakambomiswa ienderere mberi zvinozopawo kuti chikwata chemaWarriors chikwanise kutanga gadziriro yekuenda umakundano eCOSAFA Cup kuSouth Africa mwedzi unouya.
Masangano anomirira vatambi mumitambo yakasiyana siyana aisa zvikumbiro kuhurumende kuti vatenderwe kuendera mberi nemitambo kunyangwe pave nemutemo wekuti vamire kuita izvi.
Rodhai zvimwe