Accessibility links

Breaking News

Katai naGilpin veZimbabwe Voburitswa Mumakwikwi eMenduru eTokyo Olympics


Donati Katai

Vatambi vemuZimbabwe Donata Katai na Peter Purcell Gilpin vabuda mukurwira menduru mumakundano e2020 Olympic Games ayo arikuitwa kuTokyo, Japan. Katai ndiye mutihwini mutema wekutanga kumiriraZimbabwe kumakwikwi aya.

Mutuhwini Katai naGilpin werowing vabuda murwendo rwemenduru urwu mushure mekutadza kusvika muma semi fainari emakundano avo umo munorwirwa menduru.

Muteveri wemitambo munyika Muzvare, Nyaradzai Masiyambiri vanoti Gilpin naKatai vaita nepese pavanogona pachitariswa kuti mitambo yerowing nekutuhwina haina kunyanya kusimba muZimbabwe.

Katai aita nepese paanogona ndokukunda mumujawo wake ari pamberi paPatel Maane wekuIndia naKimberley Ince wekuGranada asi nguva yaatora kupedza mujaho uhu yatadza kumutendera kuenderera mberi nemakundano.

Vatambi vanopedza nenguva dzinofadza pamijaho yese inoitwa ndivo vanoenda muma semi fainari asi nguva dzeminiti imwechete nemasekondi maviri yaKatai yaenda pasi pasi pevamwe vatambi vasiiwa mune mimwe mijaho.

Kukundikana uku kwateverawo kwa Peter Purcell-Gilpin uyo apedza ari pachinhanho chechitanhatu uyezve chekugumisira mumujaho wezvikepe wemakota fainari.

Mutambi wemuZimbabwe uyu anga amira mira zvakasimba mushure mekukunda vatambi vese mugungano rerepercharge iro anga apinda.

Asi zvinhu zvazoti omei muma kota fainari umo apedza ari pachinzvimbo chekugumisira pavatambi vanomwe.

Gilpin naKatai vari pavatambi vashanu kusanganisira Scott Vincent, Ngoni Makusha, na Peter Wetzlar varikumirira Zimbabwe kumakundano emitambo epasi rese aya.

Pakapedzisira Zimbabwe kuenda kumakundano aya muna 2016, vatambi vemuno vakadzoka vasina kana menduru imwechete. Kunyangwe vatambi vemuZimbabwe ava vakundikana, vakawanda muAfrica vari kupemberera kutora mhenduru yegoridhe mukutihwina kwaita Ahmed Hafnaoui wekuTunisa mumakwikwi e400 meter freestyle.

Kusvika parizvino iyi ndiyo chete mhenduru yawanikwa nenyika yemuAfrica mumakwikwi aya.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG