Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yosangana neChishanu neSouth Africa Murwendo rweMakwikwi e2022 World Cup


Egypt Africa Cup Soccer
Egypt Africa Cup Soccer

Chikwata chenhabvu chenyika chinoti chinovimba zvikuru kuti chichakunda South Africa mangwana mumutambo we2022 World Cup kunyange hazvo chasangana nematambudziko makukutu munzira yemutambo uyu.

Chikwata chemaWarriors, icho chiri kupinda munhandare mangwana chisina vatambi vacho vanomwe vari kutambira kuEngland, chinoti chine mukana mukuru wekubuda nemapoinzi ose ari matatu apo chichasangana neSouth Africa muNational Sports Stadium. azvo vasina vamwe vatambi.

Vatambi vanomwe vanotamba kuEngland kusanganisira Marvelous Nakamba weAston Villa havana kuuya kumutambo uyu nemhaka yemitemo yeCovid 19 iri munyika iyi.

Vamwe vaviri vakabva kuSouth Africa, Knox Mutizwa naButholezwe Ncube, havasi kutamba zvekare mushure mekunge vaonekwa vaine chirwere cheCovid 19 pakaitwa ongororo yechirwere ichi pagadziriro yavo.

Asi vatambi varipo havasi kutarisa zvese izvi mubati wepagedhe, Washington Arubi, achiti vakatomirira kupinda munhandare.

Arubi anoti zvakakosha kuti vabude nemapoinzi ese matatu mumutambo uyu.

Maneja wechikwata cheZimbabwe,VaWellington Mpandate, vanoti hapana chimwechavari kutarisira kunze kwekukunda mumutambo uyu.

South Africa, iyo ine murairidzi mutsva, Hugo Broos wekuBelgium, ine vatambi vaviri vamiswawo zvekare kutamba mutambo uyu nemhaka ye Covid 19 iyi.

Asi Zimbabwe yaunganidza vamwe vatambi vayo vane mukurumbira kusanganisira Knowledge Musona, Tino Kadewere, Marshall Munetsi, naKhama Billiat.

Godknows Murwira, uyo akashevedzwa mushure mekunge vatambi vekuEngland vatadza kuuya, anoti mukamba meZimbabwe mune tarenda nekubatana zvekuti Bafana Bafana haimire.

Kunze kweSouth Africa neZimbabwe zvimwe zvikwata zviri mugungano iri iGhana neEthiopia idzo dziri kusangana muAccra mangwana zvekare.

Chikwata chinopedza chiri pamusoro soro mugungano iri ndicho chinoenderera mberi nemakundano aya.

MaWarriors ari kusangana neEthiopia muAddis Ababa neMuvhuro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG