Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yokundikana Kuwana Kana Menduru Imwe kumaOlympics kuTokyo


Donata Katai
Donata Katai

Vatambi veZimbabwe vave kudzoka kumush vose pasina kana mumwe chete awana menduru kumakwikwi ekumaOlympics ari kuitirwa kuTokyo, Japan.

Mutambi ange asara akamirira Zimbabwe mumakundano aya ndiScott Vincent wegolf uyo akqpedza mitambo yake neSvondo ari pachinhanho chegumi nenhanhatu nemapoinzi mazana maviri nemakumi manomwe nematatu 273, mapoinzi mana chete pasi pa CT Pan wekuTaipei uyo atambidzwa menduru yebronze.

Vanotevera mutambo uyu vanoti Vincent angadai ari pavatambi vatatu vabuda nemenduru nhasi dai asina kutatarika musi wekutanga kwemakundano aya.

Xander Schauffele wekuAmerica ndiye atora menduru yegoridhe apedza ari pa18 Under 67 achiteverwa naRory Sabattini wekuSlovakia uyo atora menduru yesirivha.

Aimbotamba gorofu VaWellington Chando vanoti kunyange asina kuuya nemenduru Vincent adadisa nyika nematambiro aaita

Vanoongorora nyaya dzemitambo VaBrian Manyati vanoti ino haisisiri nguva yekutarisa kuti auya nemenduru here kana kuti kwete asi zvaaitira nyika.

Vincent anga ari pavatambi vashanu vakatumirwa neZimbabwe kuma 2020 Olympic Games avo varikudzoka vasina chavakabata.

Vamwe vacho ndi Donato Katai naPeter Wetzal vekutihwina, Peter Purcell Gilpin werowing naNgoni Makusha wekumhanya nzendo pfupi.

Zimbabwe yakapedzisira kupemberera menduru muna 2008 kuBeijing apo Kirsty Coventry ave gurukota rezvemitambo akahwina menduru yegoridhe. Kirsty ndiye mutambi ari munhoroondo yeAfrica yose panyaya dzekuwana menduru dzakawanda kumaOlympics. Kirsty ane menduru nomwe.

Mumakwikwi ari kuenderera mberi kuTokyo aya, kusvika parizvino, nyika yeChina ndiyo ine mhenduru dzegoridhe dzakawanda ichiteverwa neAmerca neJapan. Panyika dzemuAfrica iri pamusoro iSouth Africa iri pachidanho chemakumi maviri nenhanhatu nemenduru nhatu, ichiteverwa neTunisia, EthiopiaUganda neEgypt.

Makundano emaOlympic Games anotevera achange ari kuParis kuFrance muna 2024.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG