Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri vemaWarriors Voshushikana Apo veItaly neArgentina Vopemberera,


Akange ari makuwerere kuvatsigiri venhabvu sezvo raive saruraude pamitambo yekuona kubva kuCOSAFA Cup, Euro 2020 Cup uye Copa America.

Kunyangwe hazvo ainge ari machikichori, vatsigiri vechikwata cheZimbabwe Warriors vari kushushikana zvikuru mushure mekurohwa 2-0 neNambia mumakwikwi eCOSAFA Cup kuSouth Africa.

Izvi zvasiya hupenyu hwemaWarriors huri patambo mumakwikwi aya mushure mekuita mangange mumitambo yavo miviri yekutanga neMozambique neMalawi.

Murairidzi wechikwata ichi Zdravko Logarusic anoti varikunetseka kutamba sechikwata nekuti vatambi vake vagarisa vasati vatamba vese nekumiswa kwemitambo munyika nemhaka yeCovid 19.

Asi aimbotambira Caps United Charles Manjera haasi kubvumirana nazvo achiti iye zvikwata zvese zvirikutangira pakaenzana nekuti Covid 19 yakarova nyika dzese.

Manjera anoti Zimbabwe haina kusarudza vatambi vayo varikutamba zvakanaka panguva ino achibvunza kuti Denver Mukamba, Ishmael Wadi, naRodwell Chinyengetere vakasiirwei kumba.

Zimbabwe inofanira kukunda mumutambo wayo wekugumisira mangwana neSenegal kana ichida kuwana kamukana kadiki kekuramba ichiri mumakwikwi aya.

Asi vamwewo vakaita senhengo yeZimbabwe National Soccer Supporters Association VaShingirai Miti vane chivimbo kuti cheZimbabwe ichakunda nekukwanisa kuzotora mukombe uyu.

Asi munyika dzeArgentina neItaly hamuna matambudziko enhabvu seeZimbabwe.

MuArgentina mhemberero irikuenderera mberi mushure mekunge chikwata chavo chatora mukombe weCopa America kwapera makore makumi maviri nemasere vasina mukombe.

Argentina yakarova Brazil 1-0 nechibodzwa chakanwiswa naAngel Di Maria asi makundano aya ndeaLionel Messi.

Akatambidzwazve mukombe wekuve mutambi akakunda vese uyezve akaenda pamusoro paJavier Mascherano semutambi amirira nyika yake kukunda vese munhoroondo.

Messi asarirwa nechinangwa chimwechetecho chete chekutora mukombe weWorld Cup asati akanda bhutsu kure.

Asi nyaya dzemitambo hadzingapere tisingataura mabiko ari muItaly pamwe nekuchema kuri muEngland.

Izvi zvauya mushure mekunge Italy yakarova England pamusha payo 3-2 nemapenareti mufainari yeEuro 2020 muWembley.

Zvikwata izvi zvaive zvapedza zviri mangange 1-1 munguva inowedzerwa mumitambo asi Marcus Rashford, Jordan Sancho naBuyaka Saka vakapotsa gedhe ndokupa Italy mukombe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG