Accessibility links

Breaking News

Mutambi weNhabvu Akaita Mukurumbira, Ernest Maphepha Sibanda, Ashaya


Ernest Maphepha Sibanda

Aimbove sachigaro weHighlanders uyezve ari maneja wemaWarriors, Ernest ‘Maphepha’ Sibanda, ashaya.

Sibanda ashaikira pachipatara cheMater Dei Hopsital muBulawayo nhasi mangwanani aine makore makumi matanhatu nematatu ekuberekwa, asarirwa nemwedzi mumwe chete kuti asvitse makore makumi matanhatu nemana.

Sibanda, uyo aizivikanwa nezita remudunhurirwa kunzi Maphepha, akapinda muchipatara ichi neMuvhuro svondo rapera achinetswa nechirwere cheshuga.

Mhuri yenhabvu iri kuchema kurasikirwa kwayaitwa naSibanda uyo akabata basa guru ari sachigaro weHighlanders uyezve ari maneja wemaWarriors.

Vatungamiri, vatambi, nevatsigiri vezvikwata zvakasiyana-siyana vapinda pamadande mutande vachichema Sibanda uyo akatambira Highlanders neCaps United.

Sachigaro weZimbabwe Coaches Association, VaBeki Nyoni, vati Zimbabwe yarasikirwa zvikuru nerimwe remagamba chaiwo emutambo wenhabvu.

VaRichard Tswatswa avo vaimbove murairidzi wevabati wepagedhe wemaWarriors vatiwo varwadzikana zvikuru nekushaya kwaSibanda.

Vaimbove mubati wepembe muPremier Soccer League uyezve vari paFifa Panel, VaTendai Bwanya, vati vende rasiiwa naSibanda munhabvu richanetsa kuvhara.

Mutauriri weHighlanders, Va Ronald Sibanda, vati vari mukuchema kukuru asi vati havakwanise kutaura zvakawanda sezvo Sibanda ang eave kushanda senhengo yebhodhi reBulawayo City Football Club.

Studio7 haina kukwanisa kubata vakuru veBulawayo City kuti tinzwe kuti zvinhu zvichafambiswa seyi.

Sibanda ndiye aive sachigaro weHighlanders apo yakatora mikombe yeligi mina yakateverana kubva muna 1999 kusvika 2002 uyezve muna 2006 apo Bosso yakapedzisira kutora mukombe mukuru uyu.

Mutungamiri uyu anga ari mukomiti irikutungamira Bulawayo City Football Club panguva yekushaika kwake.

Hurongwa hwekuradzikwa kwaSibanda hausati hwaziviswa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG