Vatambi venhabvu vapinda munzara nekumiswa kwemitambo munyika nehurumende nekuda kwekuyedza kumisa kupararira kwechirwere cheCovid 19.
Vamwe vevatambi ava vave nemwedzi yakati wandei vasati vatambiriswa mari yavo sezvo zvikwata zvavo zvichirarama nemari inowanikwa pamagedhe kana vatsigiri vachipinda munhandare.
Vatambi vechikwata chine mukurumbira cheHighlanders vanonzi vakapedzisira kutambiriswa mari yavo yemuhoro munaChikumi.
George Mudiwa uyo aimbotambira Caps United asi ave murairidzi anoti dzimwe mhuri dzatoparara nekushaya cheuviri.
Murairidzi weTriangle Taurayi Mangwiro anoti kunyange hazvo chikwata chake chirikukwanisa kuvatambirisa mari yemuhoro vazhinji varasikirwa neraramo.
Vamwe vevatambi ava vave kuita mamwe mabasa asinei nenhabvu kuti vakwanise kuraramisa mhuri dzavo.
Izvi munyori mukuru weZifa Northern Region VaSweeney Mushonga vanoti zvirikukonzerwa nekuti hapana mari irikupinda muzvikwata izvo zvinorarama nemari yepagedhe.
Maneja wevatambi VaGeorge Deda vanoti varikuedza kubatsira vatambi ava nekuvatsvagira mabasa munyika dzirikutambwa nhabvu muAfrica.
VaDeda avo vave kushanda vari muTanzania vanoti zviri nani kuti vatambi vaenda kunanaTanzania nanaZambia pane kushaya chekubata zvachose.
VaMushonga vanoti zviri pachena kuti nhabvu muZimbabwe yadzikira zvikuru nekumiswa kwemitambo uku.
Izvi vanoti zvirikuoneka nekudamburwa kurikuitwa chikwata chemaWarriors apo chiri kutamba neve kune dzimwe nyika.
Mutambi Powell Govere uyo aive muchikwata chemaWarriors chakaenda kumakundano eChan anoti vagarisa vasati vapinda munhandare izvo zvingangokanganisa matambiro avo pamwe nekudzikirisa pasi nhabvu yemunyika.
Asi mukuru wePremier Soccer League VaKennedy Ndebele vanoti vane chivimbo kuti hurumende ichaterutsa ruoko ku nhabvu sezvayakaita kumitambo yakaita sekiriketi negorofu.
Mugwaro ravatumira zvikwata VaNdebele vari kukurudzira zvikwata zvavo kuti zvibaise vatambi vazvo nhomba yekudzivirira chirwere cheCovid 19 vachigadzirira kudzoka kwemitambo.
Nhabvu yemakundano eligi muZimbabwe yakapedzisira kutambwa musi wa 16 Mbudzi, 2019.
Kunyange hazvo makundano eChibuku Super Cup akambotambwa, makwikwi aya akazomiswa asati apera.
Facebook Forum