Accessibility links

Breaking News

Kumakwikwi eAFCON, Zimbabwe Warriors Inoti Inoremekedza Cameroon Chete


Maneja wemaWarriors VaWellington Mpandare vari muyaunde, Cameroon, vakamirira kunzwa kuti Zimbabwe ichasangana nezvikwata zvipi mumafainari e2021 Africa Cup of Nations.

VaMpandare avo vakaenda nemutungamiri weZifa VaFelton Kamambo vanoti hapana chikwata chavanotya mugungano iri kunze kweCameroon iyo ichange iri pamusha pachaitwa makundano aya.

Murairidzi wechikwata ichi Zdravko Logarusic haasi kukwanisa kuve ari muEgypt sezvo ari kumusha kwake kuCroatia uko arikugadzirisa nyaya dzemhuri. Logarusic arikutarisirwa kudzoka muZimbabwe musi weChitatu.

Asi VaMpandare vanoti chinangwa chavo ndechekusvika munharaunda yechipiri kekutanga kubvira muna 1980 apo Zimbabwe yakatanga kukwikwidzana nedzimwe nyika.

Kumubatanidzwa wezvikwata uyu, maWarriors ari mupoto yechitatu pamwe neCape Verde, Mauritania, Gabon, Sierra Leone neGuinea Bissau.

Zimbabwe haisangane nechimwe chezvikwata chiri mupoto iyi mumitambo yekutanga.

Asi Zimbabwe inokwanisa kuiswa mugungano rimwechete nezvikwata zvine mukurumbira zvakaita seNigeria, Senegal, Egypt, Algeria, Tunisia, Morocco, kana Cameroon yacho.

Zimbabwe inokwanisa zvekare kubatanidzwa nezvikwata zvisina mbiri zvakaita seMalawi, Sudan, Equatorial Guinea, Gambia, Mali neBurkina Faso.

Makundano eAfrica Cup of Nations arikutanga musi wa 9 Ndira achipera musi wa 6 Kukadzi gore rinouya.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG