Accessibility links

Breaking News

Mutambi weNhabvu Akaita Mbiri, George Shaya, Ashaya


Mutambi wenhabvu akaita mukurumbira munyika uye akatora mukombe weSoccer Star of the Year kakawandisa kudarika vatambi vese, George Shaya, ashaya.

Mutambi wenhabvu akaita mukurumbira munyika uye akatora mukombe weSoccer Star of the Year kakawandisa kudarika vatambi vese, George Shaya, ashaya.

Shaya uyo akaita mukurumbira unotyisa semutambi nemutungamiri wenhabvu, akashaya nezuro manheru munzira yekuenda kuchipatara mushure mekurwara kwenguva refu.

Shaya ange ave nemakore makumi manomwe nemanomwe ekuberekwa. (77).

Murairidzi wenhabvu, Lloyd Mutasa, uyo anopinda svondo imwechete nemhuri yaShaya, anoti aziviswa nezvemashoko anotambudza aya nemudzimai waShaya.

Labani Kandi uyo akapinda pakarenda yemaSoccer Stars of the Year ari mujuzi reDynamos anoti anzwa nezverufu urwu nemuvakidzani waShaya, David George, uyo akatambirawo Dembare zvekare.

Chikwata cheDynamos nesangano reZimbabwe Football Stakeholders Forum vanoti vanyorera Zifa kuti iise chikumbiro kuhurumende kuti Shaya aitwe gamba renyika.

Mutungamiri wesangano iri, VaFrancis Zimunya Nyamutsamba, vanoti Shaya anokodzera ruremekedzo rwenyika urwu nezvaakaitira nhabvu muZimbabwe.

Anotaura akamirira Dynamos, VaTinashe Farawo, vanoti tsamba yavo yechikumbiro chekupa rukudzo rwegamba renyika kuna Shaya yatove mumaoko eZifa..

Mutasa anoti Shaya akasaitwa gamba renyika zvinoratidza kuti hapana mutambi wenhabvu achapihwa rukudzo urwu .

Mutauriri weZifa, Va Xolisani, havana kubatika kuti tinzwe kana vasvitsa kuhurumende chikumbiro chekuti Shaya aitwe gamba renyika.

Asi mumashoko ayo ekuchema Shaya, Zifa yati zvakaitwa naShaya munyaya dzenhabvu zvichabatsira kusimudzira nhabvu munyika.

Shaya akatora mukombe weSoccer Star of the Year kashanu muna 1969, 1972, 1975, 1976, na 1977 uyezve aive muchikwata chenyika cha 1969 icho chakatamba neAustralia mumutambo we1970 World Cup.

Pamusoro pezvo, Shaya ndiye aive sachigaro weDynamos apo yakasvika mufainari yeCaf Champions League muna 1998 izvo zvisati zvamboitwa nechimwe chikwata munyika muno.

Kunyange hazvo vasiri munhabvu murairidzi webasketball, Edmore Mutetwa, anoti Shaya igamba renyika kwete renhabvu kana mitambo chete,

Rufu rwaShaya rwauya Zimbabwe ichangobva mukurasikirwa nevamwe vatambi vana vane mbiri, David Mandigora, Misheck Chidzambwa, Joe Mugabe, naErnest Maphepa Sibanda, pamwedzi mitatu yapfuura.

Vari kuchema Shaya, vakaungana pamba pake pa 4538 Glen Norah A, Spaceman, muHarare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG