Accessibility links

Breaking News

Vincent Okwikwidza Zvakare Mangwana kuJapan


Tokyo Olympics Golf
Tokyo Olympics Golf

Mutambi wegolf muZimbabwe, Scott Vincent, nhasi afamba zvinodakadza kukwira patafura yemenduru kuma 2020 Olympic Games ari kuitirwa kuJapan.

Vincent amuka chibhebhenenga ndokurova two-under 67 ndokukwira tafura yemenduru kubva pachinzvimbo chemakumi mashanu nembiri kusvika pachinzvimbo chemakumi matatu neina.

Vincent ave nemapoinzi matanhatu pasi pevatambi vana vari pachinhanho
chemenduru yekugumisira yebronze asi ari mapoinzi mapfumbamwe pasi
paXander Schauffele wekuAmereka uyo ari kutungamira gungano iri ne 11
under.

Makwiriro aita Vincent aya auya mushure mekunge nhasi akundwa
nevatambi vashanu chete mugungano revatambi makumi matanhatu avo
vapinda munhandare.

VaWellington Chando, avo vanoziva mutambi uyu kubva mumazuva ake
kuChapman Golf Club, vanoti chitima chaVincent chasimuka zvekuti
chananga murwendo rwumwechete rwekutora menduru.

VaChando vanoti nezuro Vincent akakanganiswa nekunonotswa kwaakaita
kupinda munhandare nemhaka yekunaya kwakaitika kuTokyo.

Vincent nemumhanyi, Ngonidzashe Makusha, ndivo chete vatambi
vemuZimbabwe vachiri mumakundano aya.

Makusha ari kupinda munhandare mukupera kwesvondo.

Makundano egorofu ari kuenderera mberi mangwana mangwanani muine
vatambi vamwe chetevo munhandare.

Vatatu vanopedza vari pamusoro-soro petafura neSvondo ndivo
vachatambidzwa menduru, idzo Vincent ari kutarisira nemaziso matsvuku.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG