Accessibility links

Breaking News

South Africa Yorova Ghana Vatsigiri vemaWarriors Vachitya Mutambo neEthiopia.


Vatsigiri vakawanda vemutambo wenhabvu havana chivimbo nechikwata chavo chemaWarriors apo chirikupinda munhandare neEthiopia nemusi weChipiri mumutambo we2022 World Cup.

South Africa ndiyo yave pamusoro pegungano iri nemapoinzi mana mushure mekunge yarova Ghana 1-0 nemusi weMuvhuro. Ghana iri pachidanho chechipiri nemapoinzi matatu mushure mekurovawo Ethiopia 1-0. Zimbabwe ine poindi imwe chete sezvo yakaita mangange neSouth Africa 0-0. Ethiopia haina kana poindi imwe chete.

Vakawanda vanoti chikwata chavo chenyika chakaneta zvekuti hapana chinobuda mumutambo uyu.

Neaimbove murairidzi weDynamos Lloyd Chigove anoti arikutya kuti Zimbabwe inokwanisa kurohwa nechikwata chisina mukurumbira munhabvu ichi.

Chigove haasi ega mumafungiro aya. Mumwe mutsigiri wemutambo uyu VaColins Longwe avo vanoti vanobva kuMalawi vanoti vachitarisa matambiro akaita Zimbabwe neSouth Africa maWarriors ari kudamburwa.

Matambiro akaita maWarriors mukuita mangange 0-0 neSouth Africa aita kuti vanotevera chikwata ichi vashaye chivimbo.

Muteveri weHarare City VaNorman Jacob Chirume avo vanogara muWarren Park muHarare vanoti hapana chirikubuda kubva kuAddis Ababa.

Asi VaKenneth Tatenda Gomo vanofunga kuti Zimbabwe inokunda mumutambo uyu.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG