Accessibility links

Breaking News

Ethiopia Inokunda Zimbabwe 1-0


Zimbabwe Warriors
Zimbabwe Warriors

Chikwata chemaWarriors chave pasi pasi mugungano remunzira yekuenda kumakundano ekupedzisira e2022 World Cup zvichitevera kukundwa kwachaitwa neEthiopia nhasi.

Kunyange hazvo vanga vavimbiswa mari yakawanda, maWarriors arohwa 1-0 neEthiopia mumutambo watambwa nhasi masikati.

Izvi zvave kureva kuti chikwata ichi chave pasi pasi pegungano rezvikwata zvina iri.

Pari zvino, South African ndiyo iri pamusoro soro nemapoinzi mana ichiteverwa neGhana neEthiopia idzo dzine mapoinzi matatu.

Zimbabwe iri pasi pasi mugungano iri nepoindi imwechete izvo muteveri wemutambo uyu, VaSimbai Mahachi, vanoti vari kushamisika nazvo.

Mumwe muteveri wemutambo uyu, VaCollind Longwe, vanoti pavatambi nerairidzi ndipo pane nyaya.

Mamiriro aita zvinhu ari kuratidza kuti maWarriors ave kuda mashiripiti chaiwo kana achida kuenderera mberi nemakundano aya.

Chikwata chimwechete ndicho chinoenderera mberi nemakundano aya.

Asi maWarriors akabudirira kare kuenda kumafainari eAfcon uko akaiswa mugungano rimwechete neGuinea, Malawi neSenegal,

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG