Madzimai munyika ari kukurudzirwa kuti arambe akangwarira chirwere chegomarara repazamu iro rinogona kubatawo vanhurume.
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nezuro vakadzika mutemo unoshanda kwenguva pfupi kana kuti statutory instrument 131 of 2016 wekupa RBZ mvumo yekuparura mari yemabond notes.
Mapurisa anoti ave kuzoshandisa macomputers kuti vasunge pamaroad blocks vanhu vanenge vasina kubhadhara matikiti.
Vamwe vadzidzi veZinasu vorambidzwa kuenda kunotambira zvitambi zvavo zvekudzidza kuGreat Zimbabwe vachityirwa kuti vaizoratidzira pamberi pemutungamiri wenyik VaRobert Mugabe
Kuderere kwemvura mumadhamhu eMasvingo koita kuti vagari vatyire kupararira kwezvirwere zvemanyoka mudhorobha iri.
Muzvare Mary Tayedzerwa avo vari kushanda kurwisa nyaya yekuroorwa kwevanasikana vasati vabvazera vanoti vari kufara zvikuru nemubayiro wavakapihwa nenhepfenyuro yeMTV weMnet Asian Music Awards yekuSouth Africa.
Mapurisa opomerwa mhosva yekubata bata nhengo dzeMDC dzechidzimai mudare reparamende.
Sangano reZimbabwe Vulnerability Assessment Committee, muongororo yaro yakanzi 2016 Rural Livelihoods Assessment Surveys rinoti huwandu hwevanhu vari mumaruwa huri kutambura nezvikwereti hwanyanya.
Murwiri wekodzero dzevanhu Dr Patson Dzamara vanoti vachasimuka munyika vakananga kuBrussels kuBelgium kumuzinda we European Union neMugovera uko vakakokwa kuti vape pfungwa dzavo nemamiriro akaita zvinhu munyika.
Hurumende inoti iri kutarisira kuti hupfumi huchakwira gore rinouya zvichokonzerwa negoho rakanaka rairi kutarisira. Asi veIMF nenyanzvi dzezvehupfumi vanoti hupfumi huchatodzikira.
Gurukota rinoona nezvehutano Dr David Parirenyatwa vanoti munyika matangazve dambudziko rechirwere chetyphoid nechorera uye vari kutyira kuti zvirwere izvi zvinogonawo kutanga kupararira nekushaikwa kwemvura yakachena mumadhorobha.
Veruzhinji vanoti kukunda kwenhengo yainge yakazvimiririra musarudzo dzekuNorton VaTemba Mliswa munongedzo wekuti mapato akabatana anokunda Zanu PF musarudzo dzose dzinoitwa.
Hurumende yeSouth Africa nhasi yazivisa kuti irikutarisira kubuda mugungano re International Criminal Court.
Zvizvarwa zveZimbabwe zvotaura maonero azvo pamusoro pegakava rakaitwa nezuro usiku muAmerica pakati paVaDonald Trump veRepublican Party naAmai Hillary Clinton veDemocratic Party pamberi pesarudzo dzekutsvaga mutungamiri weAmerica.
Vari kukwikwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika yeAmerica vaDonald Trump naAmai Hillary Clinton vari kuita gakava ravo rekupedzisira manheru nhasi.
Dare raMagistrate Court kwaMutare rinoti mapurisa haana mvumo yekumisa vagary vekwaChiyadzwa kurangarira hama neshamwari dzavo dzinonzi dzakaurayiwa kuminda yemangoda kwaMarange.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinogara kuGermany muzvare Albie Matarutse vanoti varikufadzwa nekuratidzira kwavakaita kumuzinda wevatican kuitaly vachishoropodza hwavanoti hutongi hwehudzvinyiriri hwaVaRobert Mugabe.
Pane vanhu vashanu vasungwa muHarare nhasi vachida kuratidzira vachiti havasi kufara nekushayikwa kwehutongi hwejekerere munyika. Vamwe vevasungwa ava ndiMuzvare Linda Masarira pamwe naVaPatson Dzamara avo vanozivikanwa nekurwisana nehutongo hwaVaRobert Mugabe nebato ravo reZanu PF.
African Union nemusi weChitatu yakapeta chirongwa chekuzeya dambudziko rekuroorwa kwevana vasati vabva zera muZambia. Musangano uyu wakatanga nemusi weMuvhuro.
Murwiri wekodzero dzevanhu Muzvare Lynda Masarira vanoti vakaburitswa muchipatara nemusi weMuvhuro uye vave kutotarisira kutangazve kuratidzira kuti munyika muite shanduko.
Rodhai zvimwe