Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi Chishanu, Gumiguru 14 2016


Nhau DzeShona Studio7

Pane vanhu vashanu vasungwa muHarare nhasi vachida kuratidzira vachiti havasi kufara nekushayikwa kwehutongi hwejekerere munyika. Vamwe vevasungwa ava ndiMuzvare Linda Masarira pamwe naVaPatson Dzamara avo vanozivikanwa nekurwisana nehutongo hwaVaRobert Mugabe nebato ravo reZanu PF.

Mumiriri wenyika dzeku Europe muZimbabwe,VaPhillipe Van Damme vanoti nyaya dzehuwori dziri kubuda mumapenhau munyika pamwe nekutadza kuita shanduko munyaya dzehupfumi sezvakabvumiranwa kumusangano wakaitwa kuLima,Peru gore rapfuura zviri kupa chimiro chakaipa kunyika pamwe nekutadzisa vekunze kuzotanga mabhizimizi muZimbabwe.

Munhau dzemitambo, vateveri vemutambo uyu manheru ano vari kuungana muInternational Conference Centre kuona mutambo wekuedzana masimba wehuremu hwe welterweight pakati paCharles Manyuchi wemuZimbabwe naJose Augustin Feria wekuColombia.

Muchirongwa chedu cheLivetalk- na8:00 pm tiri kutarisa nyaya yehuwori munyika inonzi yakanganisa nyaya dzezvehupfumi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 6065, ne 15460 kilohertzs.

Musakanganwe kutifarira paFacebook nekudzvinya pakanzi Like paVOA Shona.

Misoro yeNhau Dzanhasi Chishanu Gumiguru 14, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG