Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yorumbidzwa neZvirongwa Zvekuyedza Kupedza Kuroodzwa kweVanasikana Vasati Vabva Zera


Nyaradzayi Gumbodzvanda

African Union nemusi weChitatu yakapeta chirongwa chekuzeya dambudziko rekuroorwa kwevana vasati vabva zera muZambia. Musangano uyu wakatanga nemusi weMuvhuro.

Chirongwa ichi chakaparurwa makore maviri apfura. Zimbabwe iri kumirirwa nevakuru muhurumende uye Amai Nyaradzayi Gumbodzvanda avo vanove munyarikani kana kuti "Goodwill Ambassador" muAU vachiona nezvekuroodzwa kwevana vasati vabva zera.

Amai Gumbodzvanda vanoti Zimbabwe iri kurmbidzwa nezvimwe zvirongwa zvairi kuita kupedza kuroodzwa kwevana vasati vabva zera kunyanya kuvandudza mitemo kuti ichengetedza kodzero dzemwanasikana.

"Tiri kufadzwa nezviri kubuda kumusangano uyu nyanya Zimbabwe iyo ine zvirongwa zvairi kuita kuyedza kupedza dambudziko iri munyika," Amai Gumbodzvanda vaudza Studio 7.

Dambudziko rekuroodzwa kwevanasikana rinonzi riri kunyanya kuwanikwa kunzvimbo dzakaita seMashonaland Central uye riri kunyanya kukonzerwa nekuwondomoka kwaita zvinhu munyika nedzimwe tsika nemagariro evanhu.

Hurukuro NaAmai Nyaradzayi Gumbodzvanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG