Gavhuna webhanga renyika VaJohn Mangudya vanoti hapana kudzokera kumashure pachirongwa chekuparura mari yemabond notes mwedzi uno. VaMangudya vakataura mashoko aya kumucheto wemisangano yepagore ye IMF ne World Bank muWashington DC.Ngatizweyi hurukuro yavakaita naMarvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio7
Gurukota rinoona nezvehupfumi VaPatrick Chinamasa vanoti hapana kudzokera kumashure pachirongwa chekuparura mari yemabond notes mwedzi uno. VaChinamasa vakataura izvi kumucheto wemisangano yepagore yeIMF neWorld Bank muWashington DC. Inzwayi hurukuro yavakaita na Marvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio7
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvinoti zviri kufadzwa nemafambisirwo arikuitwa nyaya dzekutsvaga mutungamiri mutsva munyika iyi sezvo vanokwikwidza vachipihwa mikana yekutaura zvavanokwanisa kuitiri vanhu vachinge vasarudzwa.
Nyaya yehuori iri kupomerwa mamwe makurukota ehurumende yokonzera mutauro munyika.
Bhanga guru repasi rose reWorld Bank radoma chizvarwa cheZimbabwe VaAndrew Ndaamunhu Bvumbe kuti vagare pa bhodhi resangano iri sa Executive Director Group 1 vachimirira nyika makumi maviri nembiri dzemuAfrica dzinosanganisira Zimbabwe.
Misangano yepagore ye International Monetary Fund ne World Bank iri kuenderera mberi muWashington DC, muAmerica. Varikutungamira chikwata cheZimbabwe igurukota rezvehupfumi vaPatrick Chinamasa uye gavhuna weRBZ vaJohn Mangudya.
Vanhu vakawanda munyika vave kunetsekana nekushaikwa kwemari mumabhanga kubva hurumende zvayazivisa kuti ichaparura mabond notes mwedzi uno.
Dare rekuBulawayo rinosunungura vanhu makumi masere nevatanhatu vakasungwa mukuratidza mwedzi yapfuura vachitsutsumwa nemamiriro akaita zvinhu munyika.
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvaive pakuratidzira kwakaitwa muNew York pakauya mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kumusangano weUnited Nations, zvirikukurudzira kuti VaMugabe vasiye basa sezvo varikuritadza. Ngatinzweyi hurukuro yakaitwa naMarvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio 7 nezvizvarwa izvi.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chaive pakuratidzira kwakaitwa muNew York pakauya mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kumusangano weUN, VaTatenda Musanhi, vanoti vacharamba vachiita izvi kusvika zvinhu zvasanduka munyika. Ngatinzweyi hurukuro yavakaita naMarvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio 7.
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vorega kuenda kumbererero dzekuwana kuzvitonga kweBotswana mushure mekuudzwa kuti vachienda pamudyandigere nemutungamiri wenyika iyi.
Murwiri wekodzero dzevanhu Doctor Patson Dzamara vanoti vari kufara nekuwana mhinduro kubva kubhanga repasi rose reWorld Bank, yekuti harisi kuzopinda munhaurirano neZimbabwe pamusoro pechikumbiro chayo chekuti ikwereteswe mari.
Muzvare Lynda Masarira avo vakasunungurwa kubva kujeri reChikurubi nemusi weChipiri vanoti vachaenderera mberi vachiratidzira kunyangwe vaishungurudzwa vari mujeri.
Dare repamusoro-soro reConstitutional Court nhasi raramba kunzwa chikumbiro chemutungamiri webato reZimbabwe People First, Amai Joice Mujuru chekuti hurumende isawunze ma bond notes vachiti zvinotyora kodzero dzavo.
Gurukota rezvekushanyirwa kwenyika VaWalter Mzembi vanoti vari mushishi rekutsvaga rutsigiro rwekuti vasarudzwe kutungamira sangano reUnited Nations World Tourism Organisation. Dr Mzembi vaudza Marvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio 7 kuti vakawana basa iri vachasiya chigaro chavo muhurumende.
Vari kukwikwidzana musarudzo dzemutungamiri wenyika yeAmerica vaDonald Trump vemaRepublicans naAmai Hillary Clinton vemaDemocrats vakaita gakava ravo rekutanga kana kuti dhibheti rekutanga neChipiri manheru.
Vari kukwikwidzana musarudzo dzemutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vemaRepublicans naAmai Hillary Clinton vemaDemocrats vari kuita gakava ravo rekutanga kana kuti dhibheti.
Mutungamiri wenyika vaRobert Mugabe vari kushorwa zvakanyanya nevanhu vakawanda munyika nemashoko avo nemusi wemugovera ekuti nyika dzemuAfrica neAsia dzakagadzirira kubuda mugungano reUnited Nations kana Security Council isina kuvandudzwa.
Mutongi wedare repamusoro VaDavid Mangota vanoti Muzvare Linda Masarira ngavaburitswe muhusungwa.
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaBarack Obama nemusi weChipiri vakataura kekupedzisira pamberi pesangano reUnited Nations General Assembly.
Rodhai zvimwe