Dare rekuBulawayo rinosunungura vanhu makumi masere nevatanhatu vakasungwa mukuratidza mwedzi yapfuura vachitsutsumwa nemamiriro akaita zvinhu munyika.
Boka reZANU-PF Womens League rinoti kuvandudzwa kwebumbiro remutemo webato iri hakureve kuti rinoda kuti mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangangwa vabviswe pachigaro.
Gurukota rezvehupfumi na gavhuna weRBZ voita misangano kuWorld Bank neIMF muWashington DC.
Zvinhu zvakaita manyama amire nerongo munyaya dzezvehutano kuCaledonia pedyo neMabvuku uko vanhu vakagariswa patsva muna 2005 asi kusvika parizvino hakuna zvimbuzi nemakirinika.
Draw yemasemi-finals eChibuku Super Cup yoitwa muHarare mangwana
Muchirongwa chedu cheLivetalk-na8; 00 pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzezvehupfumi uye misangano yeWorld Bank neIMF iri kupindwa negurukota rezvehupfumi nagavhuna weRBZ.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.
Munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 6065, ne 15460 kilohertzs.
Musakanganwe kutifarira paFacebook nekudzvinya pakanzi Like paVOA Shona.