Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvinoti zviri kufadzwa nemafambisirwo ari kuitwa nyaya dzekutsvaga mutungamiri mutsva munyika iyi sezvo vanokwikwidza vachipihwa mukana wekutaura zvavanokwanisa kuitiri vanhu vachinge vasarudzwa.
Nemusi weChipiri vanhu vakawanda munyika vaitevera gakava rakaitwa pakati pevari kumiririra bato remaDemocrats Amai Hillary Clinton nevari kumirira maRepublicans VaDonald Trump. Gakava iri rakaitirwa kuMissouri.
Musarudzo dzemuAmerica vanenge vachikwikwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika vanoita magakava matatu uye iri range riri rechipiri. Vatevedzeri vemutungamiri wenyika vanoita gakava rimwe chete.
Vanhu vakabvunzwa vakawanda mushure mekupera kwegakava iri vakati Amai Clinton ndivo vakakunda. Sarudzo dziriko musi wa 8 Mbudzi.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muAmerica Muzvare Barbra Zindoga vanoti shuwiro yavo ndeyekuti zviri kuitika muAmerica iyi sarudzo isati yaitwa zviitwewo kuZimbabwe nyanya pachaitwa sarudzo dzemuna 2018.
"Dai zvange zviri nyore kuZimbabwe vatungamiri vemapato anopikisa nemutangamiri wenyika vaiitawo gakava rekutiudza kuti zviyi zvavanenge vachida kuzotiitira kana vasarudzwa kwete kungotyisidzira veruzhinji kuti vavhoterwe," Muzvare Zindoga vaudza Studio 7.
Vati izvi zvikaitwa zvinopa vanhu kuti vasarudze vatungamiri vane gwara rakajeka rekutungamira nyika.
Sachigaro webato rinopikisa reMDC-T muAmerica VaDen Moyo vatendawo kuti zvakakosha kuti vanhu vaite gakava rakadai munguva yesarudzo.