Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi, Chitatu, Gumiguru 05, 2016.


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vanhu vakawanda munyika vave kunetsekana nekushaikwa kwemari mumabhanga kubva hurumende zvayazivisa kuti ichaparura mabond notes mwedzi uno.

Gurukota rezvehupfumi VaPatrick Chinamasa nagavhuna weRBZ Dr John Mangudya vopinda mumisangano yeIMF neWorld Bank yepagore muWashington DC.

Chief Inspector Henry Dowa naCaptain Faster Edmore Gono vekuZimbabwe National Army vadomwa sevanhu vaviri vakapamba VaKariboni Nyemba avo vakambotsakatika gore rapera muna Kubvumbi kuChiredzi kuMasvingo.

Vanorwira kodzero dzevanhu Muzvare Linda Masarira voenda chipatara mushure mekurwara.

Muchirongwa chedu cheLivetalk-Diaspora Forum na8; 00 pm tiri kutarisa nyaya yekushomeka kwemari nekudzikira kwemari dziri kutumirwa nevari kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 6065, ne 15460 kilohertzs.

Musakanganwe kutifarira paFacebook nekudzvinya pakanzi Like paVOA Shona.

Misoro yeNhau Dzanhasi Chitatu Gumiguru 03, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG