Imwe nhengo yesangano rinomiririra vanotengesa mumigwagwa reNational Vendors Union Zimbabwe kana kuti NAVUZ iri muchipatara muguta reHarare mushure mekupambwa uye kuitwa kafiramberi nevanhu vanofungidzirwa kuti vasori.
Tine Hurukuro naMuzvare Lynda Masarira avo vakaburitswa mujeri reChukurubi nezuro.
Zimbabwe yogunun’una nenyaya yenyika dziri kuda kuti irambidzwe kutengesa nyanga dzenzou dziri mudura rayo kumusangano weCITES uri kuitirwa muSouth Africa.
Muchirongwa chedu cheLivetalk-Diaspora Forum na80 pm tiri kutarisa zviri kuitwa nemubatanidzwa wemapato anopikisa weNational Election Reform Agenda kana kuti NERA. Tine hurukuro nemutungamiri webato reZimbabwe First VaMaxwell Shumba vanogara muno muAmerica
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.
Munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 6065, ne 15460 kilohertzs.
Musakanganwe kutifarira Facebook peji yedu yeVOA Shona nekudzvinya pakanzi Like.