Accessibility links

Breaking News

Bhanga Repasi Rose reWorld Bank Rinoti Harisi Kuzoita Nhaurirano dzeMari neZimbabwe


Dr. Patson Dzamara
Dr. Patson Dzamara

Murwiri wekodzero dzevanhu Dr. Patson Dzamara vanoti vari kufara nekuwana mhinduro kubva kubhanga repasi rose reWorld Bank, yekuti harisi kuzopinda munhaurirano neZimbabwe pamusoro pechikumbiro chayo chekuti ikwereteswe mari.

Izvi zvinotevera gwaro renyunyuto kana kuti petition rakasvitswa kumahofisi makuru eWorld Bank muWashington D.C. naDr. Dzamara panguva iyo vakange vari muAmerica pakuratidzira kwakaitwa kumuzinda weUnited Nations uri muNew York nezvizvarwa zveZimbabwe vhiki rapfuura.

World Bank-Dzamara Response Letter1
World Bank-Dzamara Response Letter1

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakaratidzira zvichiti hazvisi kufadzwa nemafambisirwo ari kuitwa zvinhu nehurumende yaVaMugabe.

Zvizvarwa izvi zvakange zvichi ratidzira panguva apo mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakange vari pamusangano weUnited Nations General Assembly pamwe nevamwe vatungamiri vepasi rose.

"Tiri kufara kuti hurumende yaVaMugabe hasisiri kucharamba ichiita nhaurirano nesangano reWorld Bank dzekukwereteswa mari zvichitevera petition yatakaendesa ichimirira zvizvarwa zveZimbabwe. Tino ziva kuti gurukota rezvehupfumi VaPatrick Chinamasa vange vari mushishi mekupemha mari kubva kuWorld Bank asi izvi zvavakuzomira,"Dr. Dzamara vaudza Studio 7.

Dr Patson Dzamara 5
Dr Patson Dzamara 5

Dr Dzamara vanoti hurumende izere vanhu vakwegura avo vari kukwereta mari ichazotarisirwa kubhadharwa nevechidiki vasina kana dhonwe rimwe ravakadya.

Dr Dzamara vanoti vakatumirwa zvinyorwa nezuro kubva kusangano iri zvaitaura kuti World Bank vakange ichizo remekedza chikumbiro chavo.

"Tiri kuvimba kuti chiitiko ichi chicharatidza hurumende kuti vanhu vaneta nezvirikuitika munyika zvaita kuti vafunge kuenda kumasangano akadayi seWorld Bank tichinokumbira kuti vasarambe vachishanda nehurumende ine hudzvinyiriri sehweZimbabwe.

"Vanhu vari kuramba vachimbunyikidzwa, kodzero dzavo dzichityorwa uye parizvino mukoma wangu Itai Dzamara hatizive kuti hurumende yakumuendesa kupi."

Dr. Dzamara vaudza Studio 7 kuti chiitiko ichi chichabatsira kuti hurumende izive kuti vanhu havachada kuramba vachidzvinyirirwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG