Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa CheZimbabwe VaAndrew Ndaamunhu Bvumbe Vowana Basa Repamusoro KuWorld Bank


VaAndrew Ndaamunhu Bvumbe -World Bank
VaAndrew Ndaamunhu Bvumbe -World Bank

Bhanga guru repasi rose reWorld Bank radoma chizvarwa cheZimbabwe VaAndrew Ndaamunhu Bvumbe kuti vagare pabhodhi resangano iri saExecutive Director Group 1 vachimirira nyika makumi maviri nembiri dzemuAfrica dzinosanganisira Zimbabwe.

VaBvumbe vanoti vari kufara neruremekedzo urwu uye vachashandisa hunyanzwi hwavo kuyedza kuvandudza zvimwe zvinhu zviri kunetsa munyika dzavachange vakamirira.

VaBvumbe vanoti shuwiro yavo ndeye kubatsira Zimbabwe nedzimwe nyika dzemuAfrica uye vane zvizhinji zvavakadzidza panguva iyo vainge vachishandaku kuWorld Bank vasati vadomwa pachigaro chavo chitsva ichi.

"Ndiri munhu ane rudo rwekubatsira Africa zvese nenyika yangu uye ndichange ndichishandisa chigaro changu chitsva ichi kuita izvi,"V aBvumbe vaudza Studio 7.

VaBvumbe’s vakamboshanda muhofisi yegurukota rezvehupfumi uye kubhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe vakashandazve saExecutive Director kuAfrican Development Bank.

Hurukuro naVaAndrew Ndaamunhu Bvumbe
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG