Mutungamiri wenyika yeAmerica VaBarack Obama nemusi weChipiri vakataura kekupedzisira pamberi pesangano reUnited Nations General Assembly. Asi mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vari kutarisirwa kutaura nemusi weChitatu.
VaObama vaudza vatungamiri vedzimwe nyika kuti pane zvakawanda zvavakaedza kuita vari panyanga kuunza kugadzikana munyika dzepasi rino.
VaObama vatiwo vari kubatsira Africa munyaya dzemhando dzemoto. Vatiwo nyika dzine hutongo wejekerere ndidzo dzinobudirira.
Zvichakadaro vari kukukwidzana musarudzo dzekutsiva VaObama musarudzo dzemutungamiri wenyika Amai Hillary Clinton vemaDemocrats naVaDonald Trump vemaRepublicans vari kuitawo misangano nevamwe vatungamiri venyika kumucheto wemusangano weUnited Nations General Assembly.
VaMugabe vakauya kuNew York vachibva kuVenezuela kumusangano weNon-Aligned Movement uyo usina kuendwa nevatungamiri vakawanda kubva kunyika zana nemakumi maviri dziri mugungano iri.
VaMugabe semazuva ose vari kutarisirwa kushora nyaya dzezvirango zvavanoti zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzekunze. VaMugabe vakambotaurawo pamusangano wepadivi une chekuita nevapoteri nemusi weMuvhuro.
Vakashora nyika dzakabudirira vachiti dzinoshandisa masimba adzo zvisizvo zvinozopa kuti mune dzimwe nyika muite hondo vanhu voguma voenda muhupoteri.
MuZimbabwe mune vapoteri vekune dzimwe nyika vanosvika zviuru zvipfumbamwe asi vamwe vana veZimbabwe vakatizawo munyika vachinopotera kune dzimwe nyika kunyanya kuSouth Africa vachitiza hutongo waVaMugabe.
NeChipiri mumiriri weZimbabwe kuUnited Nation’s VaFredrick Shava vakasarudzwa kuti vatungamire kanzuru inotarisa nezvehupfumi nemagariro evanhu kana kuti United Nations Economic and Social Council.
Zvichakadaro, zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri kuratidzira kuNew York zvichiti hazvisi kufara nehutongo hwaVaMugabe. Vamwe variko vanosanganisa VaEvan Mawarire veHash Tag This Flag, Dr Patson Dzamara uye muimbi Dr Thomas Mapfumo vari kutarisirwawo kuuya.
Kunyangwe vamwe vana veZimbabwe vari kuratidzira, kune vamwe veDecember 12th Movement vari kuratidzirawo vachitsigira VaMugabe. Sangano iri nderevatema vemuAmerica.
Mumwe weavo varikuronga kuratidzira uku ndiMuzvare Savannana Madamombe vanoti vari kuenderea mberi nekuratidzira pamuzinda weZimbabwe uye neChitatu vachange vari kuUnited Nations vachiratidzira apo VaMugabe vachataura.
Asi vatsigiri vesangano reDecember 12th Movement vanotiwo vacharamba vachitsigira VaMugabe uye vapomera zvizvarwa zveZimbabwe zviri kuratidzira izvi mhosva yekutengesa nyika kuti vawane magwaro ekugara muAmerica izvo zviri kupikiswa nevari kuratidzira vachiti nhengo idzi dzakatengwa neZanu-PF. Asi veDecember 12th vanotii aya manyepo.
VaDzamara vati kuratidzira kwavari kuita kunoratidza kuti VaMugabe havachadiwe nevanhu.
Vamwe vari pakuratidzira uku semuwongorori ndiVaDewa Mavhinga vesangano reHuman Rights Watch avo vaudza Studio 7 kuti zvinokatyamadza kuti VaMugabe neChitatu vaitaura pamusoro pekukosha kwakaita kuchengetedzwa kwekodzero dzevari muhupoteri asi vachikanganwa vana vavo vari muhupoteri kune dzimwe nyika.
VaMugabe vanonzi vakawuya kumusangano uyu nemamwe makurukota ehurumende akawanda izvo zviri kushorwa nevari kuratidzira vachiti mari iyi yaifanirwa kushandiswa kugadzirisa zvinhu zviri kunetsa munyika sezvo hupfumi hwenyika hwaenda kumawere.