Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi, Chipiri, Mbudzi 1, 2016


Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nezuro vakadzika mutemo unoshanda kwenguva pfupi kana kuti statutory instrument 131 of 2016 wekupa RBZ mvumo yekuparura mari yemabond notes.

Asi mamwe magweta anoti ave kuendesa mapepa kumatare achinopikisa mutemo uyu.

Nhasi tiri kutarisa mitemo yakadzikwa neZanu-PF mudare reparamende kubva muna 1980, mitemo iyi yashindira nyika here?

ZESN yopeta musangano wayo wemazuva maviri wekutarisa nyaya dzesarudzo.

MaMighty Warriors otsvaga zviuru mazana matatu zvemadhora kuti vasimuke kuenda kunokwikwidza kumaAfrica Women’s Championships kuCameroon.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk, The Connection na 8 pm tiri kutarisa hurongwa hwehurumende hwekutsvaga mamiriyoni gumi emadhora ekumutsiridza chirongwa cheNational Youth Service.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 6065, ne 15460 kilohertzs.

Musakanganwe kutifarira paFacebook nekudzvinya pakanzi Like paVOA Shona.

Misoro yeNhau Dzanhasi Chipiri, Mbudzi 01, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


XS
SM
MD
LG