Accessibility links

Breaking News

Chimwe Chizvarwa cheZimbabwe Choratidzira KuVatican City Pamberi paPapa Francis Chichshora Hutongo HwavaMugabe


Albie Matarutse chizvarwa cheZimbabwe chakaratidzira kuVatican City chichiti hachisi kufara nehutongo hwaVaMugabe.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinogara kuGermany Muzvare Albie Matarutse vanoti vari kufadzwa nekuratidzira kwavakaita kumuzinda weVatican kuItaly uko vakashoropodza hwavanoti hutongi hwehudzvinyiriri hwemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Muzvare Mataruste vanoti vakashingiswa nekuratidzira kwakaita mufundisi vekukuKariba Pastor Patrick Mugadza avo vakaratidzira vari vega muHarare nekunyora tsamba kuchechi yeRoma kuti idzinge VaMugabe mukereke.

Muzvare Matarutse vanoti zvanga zvisiri nyore kuti varatidzire sezvo izvi zvisingabvumirwe munzvimbo iyi asi vakapinda vakaviga hembe yakanyorwa yekushora VaMugabe iyo vakazoratidza vapinda mukati meVatican.

"Kunyangwe zvangu ndakange ndichitya kuti ndichanzi handisi kuremekedza Papa Francis ndakawona kuti dambudziko remunyika medu iguru uye zviri kunemunhu wese kuti aite zvaanokwanisa kushandura zvinhu," Vanodaro muzvare Matarutse.

Vakaenderera mberi vachiti, "Ndakasimuka ndikamira pachigaro ndika simudza zvinyorwa zvangu zvaive nemanzwi ekuti Papa vatsiure vaMugabe nehutsinye hwavo huru kudzosera nyika kumashure."

Muzvare Matarutse vanoti vacharamba vachitsvaga dzimwe nzira dzekuratidzira kusafara kwavo nezviri kuitika munyika uye shuwiro yavo ndeyekuti nyaya dzakadayi seGukurahundi dzizeyewe munyika. Munguva yeGukurahundi kuma 1980 vanhu vakawanda vakaurayiwa kuMatabeleland neMidlands vachinzi vainge vapandukira hurumende yaVaMugabe.

Muzvare Matarutse vanoti varikufara nemafambiro akaita kuratidzira kwavo sezvo nzvimbo inoyera yeVatican ichiendwa nevazhinji.

Hurukuro naMuzvare Albie Matarutse
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG