Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi Muvhuro Gumiguru 31, 2016


Nhau DzeShona Studio7

Mapurisa anoti ave kuzoshandisa macomputers kuti vasunge pamaroad blocks vanhu vanenge vasina kubhadhara matikiti.

Gavhuna weRBZ VaJohn Mangudya voparura mabond notes kuti vanhu vaazive asati atanga kushandiswa.

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe voisa ruoko rwavo pamutemo unosunga vanenge vaita zvehuori muhurumende asi vamwe vanoti uku kungotaura pasina chinobuda.

Misangano pakati pemakurukota ehurumende yemuSouth Africa neZimbabwe wotanga muHarare nhasi kugadzirira musangano mukuru wekutengeserana pakati pevatungamiri venyika VaRobert Mugabe naVaJacob Zuma.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika vari gurukota rezvemitemo VaEmmersno Mnangagwa vari kuSwiterland kumusangano wekodzero dzevanhu.

Ko Caps inosimudza here mukombe weCastle Premier Soccer League.. terererai nhau dzedu dzemitambo nhasi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 6065, ne 15460 kilohertzs.

Musakanganwe kutifarira paFacebook nekudzvinya pakanzi Like paVOA Shona.

Misoro yeNhau Dzanhasi Muvhuro Gumiguru 31, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


XS
SM
MD
LG