Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzedu Dzanhasi, Chishanu, Gumiguru 28, 2016.


Nhau DzeShona Studio7

Vamwe vadzidzi veZinasu vorambidzwa kuenda kunotambira zvitambi zvavo zvekudzidza kuGreat Zimbabwe vachityirwa kuti vaizoratidzira pamberi pemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Zimbabwe Peace Project inoti iri kunetsekana zvikuru nemhirizhonga iri kuitika pamagungano ekomiti yeparamende inoona nezvemitemo iri kunzwa pfungwa dzevanhu panyaya yekuvandudza kwemitemo yesarudzo.

Nyanzvi dzozeya nyaya yehuwori hunonzi hwatekeshera munyika.

Makwikwi eCastle Lager Premier Soccer League atsvuka ropa apo arikupinda musvondo remakumi maviri nemasere zvikwata zveHiglanders neFC Platinum zvichida kukoromora Caps iri kutungamira parizvino.

Muchirongwa chedu chemimhanzi tine muimbi Praise Zenenga vanogara muno muAmerica.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8.00 pm tiri kutarisa nyaya yemhirizhonga iri kuitika kumisangano iri kuitwa nekomiti yedare reparamende inoona nezvemitemo pakuvandudzwa kwemitemo yesarudzo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 6065, ne 15460 kilohertzs.

Musakanganwe kutifarira paFacebook nekudzvinya pakanzi Like paVOA Shona.

Misoro yeNhau Dzanhasi Chishanu Gumiguru 28, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


XS
SM
MD
LG