Accessibility links

Breaking News

South AfricaYoronga Kubuda muGungano reInternational Criminal Court


Secondary school graduates play in a fountain as they celebrate the last day of school, traditionally called the 'last bell' in central Kyiv, Ukraine.
Secondary school graduates play in a fountain as they celebrate the last day of school, traditionally called the 'last bell' in central Kyiv, Ukraine.

Hurumende yeSouth Africa nemusi weChishanu yakazivisa kuti iri kutarisira kubuda mugungano re International Criminal Court (ICC). Asi danho riri kushoropodzwa nevazhinji sezvo risingazo kurudzire kuremekedzwa kwekodzero dzevanhu munyika iyi.

Gurukota rinoona nezvemitemo muSouth Africa VaMichael Masutha vanoti vari kuunza bhiri kudare reparamende vachikurudzira kuti South Africa isave nhengo yeICC.

Vatungamiri venyika dzemuAfrica vanoti dare iri rinongosunga vanhu vemuAfrica kwete venyika dzakabudirira.

VaDewa Mavhinga vesangano re Human Rights Watch vanoti zvakakosha kuti nyika dzemuAfrica dzirambe dziri mugungano iri sezvo richibatsira kuti avo vanenge vatyorerwa kodzero dzavo vawane kwekuturira mhosva.

"Zviri kufunga kuitwa neSouth Africa izvi hazviyemurike, zvinoratidza kuti nyika iyi haisisiri payange iri munguva yapfuura pakange pane hutongi hwaVaNelson Mandela avo vairemekedza kodzero dzevanhu. Zviri kuitwa neSouth Africa zvinhu zvinoshoreka uye zvichaita kuti chimiro che South Africa chishoreke." Va Mavhinga vaudza Studio 7.

Hurukuro naVaDewa Mavhinga
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG